1 Nokudaro biritsai mungu wese nokunyengedza kwese, nokunyepedzera, usvinu, nomarudzi yese yomakuhwa. 2 Sevacheche vachandozvariwa ditsitsai mukaka womweya udochena, kuti mukure nawo muruponiso renyu, 3 ndava ikozvino mudoravidza kuti Ishe adonaka.
4 Uyai kwaari iye ribwe ripenyu, ridorambiwa novanhu asi pamberi paMwari ridosarudziwa futi rinokosha. 5 Naimipawo semabhwe mapenyu vakhiwai muchiva imba yomweya, muve boka rovapirisita vatsvene, mupereke zvibairo zvomweya zvinotambirika kuna Mwari kuburikidza naJesu Khirisitu, 6 ndava mugwaro zvirimo zvinoti,
"Nangarai
ndiri kuisa muZioni ribwe ropakhona ridosarudziwa futi rinokosha,
nouyo anotenda maari haanyadzisiwe."
7 Saka kwamuri imipa vanotenda, rinokosha, asi kuno avo vasingatende,
"Ribwe rakarero ridorambiwa novavakhi
ridodzova musoro wokhona,"
8 futi,
"Ribwe rinoguhuna vanhu,
riri dombo rinovambwedza."
Vanoguhuniwa ndava havatetekere shoko, sezvavadotemehwa kuita.
9 Asi imipa muri vanhu vadosarudziwa, vouphirisita hwoumambo, rudzi ritsvene, vanhu vache Mwari, kuti muparidze kurumbidziwa kwaiye adokudaidzai kubva murima kuenda muchiedza chache chinoshamisa. 10 Kare manga musiri vanhu, asi zvino mava vanhu vaMwari, kare manga musinai kunzvihwa tsitsi, asi zvino mudonzvihwa tsitsi.
11 Vadikani, ndinokukumbiritsai, sevatohwa novarendo, siyanai nozvido zvonyama, zvinohwisana nomweya wenyu. 12 Raramai upenyu hudonaka pakati povasingatende, kuti kana nepo vachikunenerai kuti munoita zvidoipa, vaone zviito zvenyu zvidonaka, varumbidze Mwari pazuva raachauya.
13 Zviisei pasi pomasimba yovanhu, nokuda kwaIshe, angave mambo, saiye anomasimba makuru, 14 kana vatongi, vaadotuma iye kuti varange vanodzonga nokupembedza vanokohorora. 15 Ndava nghuda kwaMwari kuti nokuita zvidonaka muvhare miromo yomadzemwa yasingazive 16 Raramai sevanhu vadosununguka, asi musingashandise kusununguka kwenyu senzira yokuhwanda nayo kuita zvidoipa, asi raramai sevaranda vaMwari. 17 Remekedzai vanhu vese. Idai hama dzinotenda, ichai Mwari, remekedzai mambo.
18 Varanda zviisei pasi paatenzi venyu norukudzo rese, aikona kunovaye vadonaka novadopfava vega, asiwo nokunovaye vanoukari. 19 Ndava zvinopembedzewa kana munhu akatsunga kudzimbiwa zvisinai kodzero nondava yokuti anoziva Mwari. 20 Asi ungarumbidzihwei kana ukadzonga worovehwa kuphonyako unotochiiriraba? Manje pamunoita zvidonaka motambudziwa pamusaka pazvene chiirirai pazviri, munopembedzewa pamberi paMwari. 21 Zvakarezvi ndizvo zvamudodaidzihwa, ndava Khirisitu adokutambudzikirai, achikusiirai muenzaniso, kuti mutevere tsoka dzache. 22 Hapanai chitema chaadoita, futi hapanai kunyengedza kudowanika pamuromo wache. 23 Pavadomunyomba, haanai kudzotsera, paaitambudziwa haanai kuchichidzira. Asi adovimba naiye anotonga zvidokodzera. 24 Iye pachake adotakura zvitema zvedu mumuiri wache pamuchinjikwa, kuitira kuti tipfe kuzvitema tiraramire kururama, nomavanga yache mudoporesewa. 25 Ndava manga mudotaika kunge hwai, asi manje madzokera kuna Nyakabusa noMutariri womweya yenyu.