Publicidade

1 Pedro 1

1 Kubva kuna Pita, nhumwa yaJesu Khirisitu.

Kuvatohwa vadokwamwarira kudzimwe nyika dzinoti, Pondasi, Garatiya, Kapadhokiya, Ezhiya nokuBhitiniya vari vasaruhwa vaMwari, 2 maererano nokutemehwa naMwari Baba nokuchenesewa naMweya kuti vateerere Jesu Khirisitu nokuwazihwa kwogazi rache.

Dai mutsa norunyararo zvawanziwa kwamuri.

Tariro Ipenyu

3 Mbaakudziwe Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Khirisitu! Mutsitsi dzache dzikuru tidozvahwa patsva kutariro ipenyu kuburikidza nokumuka kwaJesu Khirisitu kubva kuvadopfa, 4 nokunhaka isingapfuruke, yamudochengetehwa kudenga, isingasvipisiwe kana kuuna, 5 iyemi kuburikidza nokutenda mudodzivirihwa nosimba raMwari nokuda kworuponiso ridogadzirihwa kuonesewa panguwa yokupedzisira.

6 Munozvakarezvi zvese munofara maninge, kana zvazvene kwonguwa ino ipfupi muchifanira kudzudziwa nomarudzi yese yomiyedzo. 7 Zvakarezvi zvidouya kuitira kuti pakuonekwa kwaJesu, kutenda kwenyu kunokosha kukunda ndarama, inoparara kana zvayene ichinatsiwa nomoto, kuwanike kuri kwochaiko kunofanira kuva nopembedzo, kubhwinya nokuremekedzewa. 8 Kana zvenyu musinai kumuona, munomuda, kana zvenyu musiri kumuona manje, munotenda kwaari uye mudozara nomufaro mukuru usingataurike, 9 ndava muri kutambira zvinobva pakutenda kwenyu, iro ruponiso romweya yenyu.

10 Pamusoro poruponiso rakareri, vaporofiti vadonyaira zvomutsa waidzouya kwamuri, vadonatsa kutsvagitsitsa, 11 vachibvunzitsitsa pamusoro pokuti munhui nonguwa idonangiwa noMweya waKirisitu waiva mavari pawainangidza kutambudzika kwaKhirisitu nokubhwinya kwaidzotevera. 12 Zvidozaruhwa kwavari kuti pavainyaira zvinhu zvakarezvi zvamudodzonyepewa naivo vadokuparidzirai vhangeri naMweya Mutsvene adotumiwa kubva kudenga, vaishumira imipa vasingazvishumire ivo, zviri zvinhu zvinodiwa kuonewa nongirozi.

Kudaidziwa Kudzorarama Muutsvene

13 Nokudaro gadzirirai pfungwa dzenyu, muve vadopepuka, isai tarisiro yenyu idozara pamutsa uchauya kwamuri pakuonekwa kwaJesu Khirisitu. 14 Sevana vanoteerera, rekai kuumbiwa nozvido zvidoipa zvokusaziva kwamaiva nako kare. 15 Asi saiye mutsvene adokudaidzai, ivaiwo vatsvene pamuitiro wenyu wese, 16 ndava kudonyohwa kuti, "Ivai vatsvene, ndava inipano ndiri mutsvene."

17 Sezvo wamunodaidza kuti Baba achitonga basa romunhu wese pasinai tsvete, raramai upenyu hwenyu sevatohwa muchicha. 18 Ndava munoziva kuti hamunai kudzikinuhwa nozvinoparara zvinenge sirivha kana ndarama kubva munzira dzenyu dzisinai nomusoro wese dzamudosiihwa nomadzibaba yenyu, 19 asi nogazi rinokosha raKhirisitu, kunge rohwayana risinai chinoshoreka kana dondorozi. 20 Iye adosarudziwa nyika isinati yasikiwa, asi adodzoonesewa panguwa dzino dzokupedzisira nondava yenyu. 21 Kuburikidza naye mudotenda kuna Mwari, adomumutsa kubva kuvadopfa achimupasa kubhwinya, nokudaro kutenda kwenyu notariro zviri muna Mwari.

22 Zvino zvamudozvinatsa kuburikidza nokuteerera chokwadi kuti muve norudo rudoperera kuhama dzenyu, ditsitsanai zvinobva pamwoyo. 23 Mudoberekewa patsva, aikona nombeu inoora, asi noisingaore, kuburikidza noshoko raMwari ripenyu rinogara, 24 ndava,

"Vanhu vese vanenge usva,

kubhwinya kwavo kwese kunenge ruva romusango.

Usva hunosvava, noruva rinokuhumuka,

25 asi shoko raIshe rinogara nokusingapere."

Futi shoko rakareri ndiro nhau dzidonaka dzidoparidziwa kwamuri.

Veja também

Publicidade
1 Pedro
Ver todos os capítulos de 1 Pedro
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-18_14-04-22-