Publicidade

Tiago 5

Chenjedzo kuVapfumi

1 Zvino tetekerai imipa vapfumi, rirai muite maundu nondava yokutambudzika kuri kuuya kwamuri. 2 Pfuma yenyu yaora, tukumo taja mbacha dzenyu. 3 Ndarama yenyu nosirivha yenyu zvaita ngura. Ngura yazvene ichakurovererai nokuparadza nyama yenyu kunge moto. Mudotutira pfuma pamazuva yokupedzisira. 4 Onai! Mihoro yamudotadzirira kuripa vashandi vaichekerera minda yenyu iri kudaidzira. Kudaidzira kwovakohwi kwasvika munzeve dzaIshe wohondo. 5 Mudogara panyika muri paufuru mudogarika. Mudozvikodza mwoyo pazuva rokubaya. 6 Mudotongera runya mudobaya munhu adorurama, wanga asingakudzivisei.

Kutsungirira noMunamato

7 Hama tsungirirai, kusvikira pakuuya kwaIshe. Nangarai murimi anomirira munda kuti uberekese zvirimwa zvinokosha nokutsungirira kwaanoita kusvikira zvawana mvura yokuthanga noyokupedzisira. 8 Nemiwo, tsungai mudomira zvidosimba, ndava kuuya kwaIshe kwava papfupi.

9 Hama rekai kunyunyutirana, kuti mureke kutongwa. Mutongi adomira pamusuwo! 10 Hama, pakutsungirira pamatambudziko torai muenzaniso wovaporofiti vaitaura muzita raIshe. 11 Onai, tinototi vadokomborehwa ivo vadotsungirira. Mudonzva kutsungirira kwaJobho uye pakupedzisira mudoona zvidodzoitiwa naIshe. Ishe vazere notsitsi noruyamuro.

12 Hama dzangu, pamusoro pozvese, rekai kupika kana nodenga kana nonyika kana nokumwe kupika. Asi itai "Inde" panodiwa inde, moti "Neye" panodiwa "neye" kuti mureke kuwira mukutongewa.

13 Panoumwe ari kutambudzika chere pakati penyu? Mbaanamate. Pano ari kufara chere? Mbaaimbe zvimbo zvokurumbidza. 14 Pano anohwara chere pakati penyu? Mbaadaidze vakuru vokherekhe kuti vamunamatire vamuzore nomafuta muzita raIshe. 15 Munamato unopasiwa nokutenda uchaporesa muhwere, Ishe vachamumutsa. Kana adoita zvitema, acharegerehwa. 16 Saka reuriranai zvitema zvenyu, munamatirane kuti muporesewe. Munamato womunhu adorurama unosimba rikuru pakubata kwawene. 17 Eriya wanga ari munhu kunge isisu. Adonamata zvidonyanya kuti mvura ireke kuna, ichibva yarekera kuna panyika kwomakore matatu nomwedzi mitanhatu. 18 Adonamata kamu, denga richibva ranisa mvura, nyika ichibva yabereka zvibereko zvayene.

19 Hama dzangu, kana umwe wenyu akatsambuka kubva pachokwadi pachidzoita anomudzora, 20 mbaazive kuti wese anodzora mutadzi panzira yokudzonga kwache achamuponesa paipfa nokusvisva zvitema zvizinji.

Veja também

Publicidade
Tiago
Ver todos os capítulos de Tiago
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-18_14-04-22-