1 Chii chinokonzera hondo, chii chinokonzera botso pakati penyu? Zvinobvaba pazvido zvenyu zvinohwisana mukati menyu? 2 Munoda chinhu asi hamuchiwane, saka munobaya. Futi munochiva asi hamuwane zvamunoda saka munoita botso nokumutsa hondo, futi hapanai chamunacho, ndava munokumbiraba Mwari. 3 Pamunokumbira hamutambire, ndava hamukumbirire buya, kundoda kuzvifadza nazvo. 4 Imi mhombo dzovanhu, munozivaba nai kuti ushamwari nonyika kuita mhandu yaMwari? Saka wese anoda kuva shamwari yonyika anozviita muvengi waMwari. 5 Kana kuti munofunga kuti gwaro rinotaura mahara kuti Mwari anotipfira noshungu nokuda kwomweya waadogarisa matiri? 6 Asi anopasa mutsa dzidowanda. Ndokusaka gwaro richiti, "Mwari anopikisana novanozvikudza, asi anopasa mutsa anozvininipisa."
7 Zviisei ndipo pasi paMwari. Dzivisai jabhurosi, kuti akutizei. 8 Nyedzai papfupi naMwari iye achanyedzawo kwamuri. Shambai manja yenyu, imi vatadzi, chenesai mwoyo yenyu, imi vomufungo miviri. 9 Dodomai zviso, rirai muite maundu, musandure kuseka kwenyu kuve kurira nokufara kwenyu kuve kudodoma kwozviso. 10 Zvininipisei pamberi paIshe, iye achakukwiridzirai.
11 Hama, rekai kumbonyaira zvokunyangadzirana. Wese anonyaira achinyangadzira hama yache kana kumutonga, anotaura achinyangadzira mutemo nokuutonga. Kana uchitonga mutemo, hausi kuuchengeta, asi watova mutongi wawene. 12 Panondova noMupi womutemo mubodzi nomutongi, ndiye anogona kuponesa nokuparadza. Asi iwepa ndiwe yani kuti utonge mabiyako?
13 Manje tetekerai vakaremi munoti, "Nasi kana mangwana tichaenda kuguta rakati, toita gore tiri kwakareko, tichiita maronda nokuwana mari." 14 Apa munozivaba zvichaitika mangwana. Upenyu hwenyu chiiko? Muri mhute inooneka nguwa ipfupipfupi yonyangarika. 15 Maitofanira kuti, "Kana kuri kuda kwaIshe, tikararama tichaita chokuti nochokuti." 16 Asi manje munozvikudza nokuzvipembedza. Kuzvikudza kwakareko kwese kudoipa.
17 Uyo wese anoziva zvidonaka zvaanofanira kuita akareka kuzviita, nyhitema kwaari.