Publicidade

Tiago 2

Chenjedzo pamusoro poTsvete

1 Hama dzangu, sevatendi muna Jesu Khirisitu Ishe wedu wokubhwinya, rekai kuva norusarura. 2 Tomboti paungano penyu pauya munhu adosimira mbacha dzidonaka nomhete yondarama, pouyawo murombo adosimira marengenya, 3 kana mukanangidza kuremekedza kwopamusoro kumunhu adosimira zvidonaka momuti, "Garirai pamupando udonaka uyu," asi moti kumurombo, "Mira apo," kana kuti "Gara pasi pandidotsika," 4 hamusi kusarurana nai, nokuva vatongi vano pfungwa dzidoipa?

5 Hama dzangu dzinodikana, tetekerai, anga Mwari haanai chere kusarudza vayevaye vanooneka nonyika kunge vadosauka kuti vave zvinoto pakutenda uye kuti vaje nhaka youmambo hwaadovimbisa ivo vanomuda? 6 Asi mudozvidza varombo. Anga vapfumi ndivoba nai vari kukudzvinyirirai? Ndivoba nai vari kukukakatirai kudare? 7 Ndivoba nai vari kushora zita rinokudziwa ramudotenzewa?

8 Kana muchinatsa kuzazisa mutemo woumambo, maererano nogwaro rinoti, "Unofanira kuda muvakhidzani wako sekuda kwaunozviita," munoita zvidonaka. 9 Asi kana muchinangidza rusaruro, muri kuita chitema, mutemo unokukomwesai sevachori vomutemo. 10 Ndava wese anochengeta mupurumira womutemo asi achiphonya pabodzi anomhosva yokuchora wese. 11 Nokuti uyo adoti, "Reka kuita upombwe," ndiye adotiwo, "Reka kubaya." Kana usingaite upombwe, asi uchibaya wava muchori womutemo. 12 Nyairai nokuita kunge vaye vachatongewa nomutemo unosunungura, 13 ndava mutongo usinai tsitsi uchanangidziwa kuno wese wanga asinai tsitsi. Tsitsi dzinokurira mutongo.

Kutenda noZviito

14 Zvinokabonyo kei, hama dzangu, kana munhu achiti ano kutenda asinai zviito? Kutenda kwacheko kungamuchidze nai? 15 Tomboti vatendi biyedu vasinai zvokusimira kana zvokuja zvopazuva nozuva, 16 umwe wenyu akati kwavari, "Endai murugare, muthumihwe nokuja muchiguta," pasinai zvaavaitira pakusaya kwavo, zvingave nokabonyo kei? 17 Ndizvo zvidoita kutenda kwega kwega kusinai zviito, kudopfa.

18 Asi umwe angati, "Uno kutenda, inini ndino zviito." Ndinangidze kutenda kwako kusinai zviito, inini ndikunangidze kutenda kwangu kuburikidza nozvandinoita. 19 Iwewe unotenda kuti kuna Mwari mubodzi. Zvidonaka! Kana mashave yanotendawo zvakarezvo yachitogwagwadza nokucha. 20 Iwe dzemwa, unoda chere kunangidziwa kuti kutenda kusinai zviito hakunai kabonyo? 21 Anga baba wedu Abhurahamu adoitiwaba adorurama nondava yozvaadoita, paadopira mwanakomana wache Isaki paatari? 22 Waona kuti kutenda kwache nozviito zvaishanda pabodzi, uye kuti kutenda kwache kudokwanisiwa nozvaadoita. 23 Futi gwaro ridozazisiwa rinoti, "Abhurahamu adotenda Mwari, kwaari kuchibva kwanzi nghururama," futi adobva waitiwa shamwari yaMwari. 24 Maona kuti munhu anoruramisiwa nozvaanoita aikona nokutenda kwegakwega.

25 Nzvibodzibodzi kana naRahabhi pfambi, haanai nai kuitiwa adorurama nondava yozvaadoita paadotambira nhumwa achidzodziendesa noimwe nzira? 26 Sezvidoita muviri kana usinai mweya udopfa, nokutendawo kusinai zviito kudopfa.

Veja também

Publicidade
Tiago
Ver todos os capítulos de Tiago
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-16_06-50-08-