Publicidade

Tiago 1

1 Kubva kana Jakobho, muranda waMwari nowaIshe Jesu Khirisitu.

Kumarudzi gumi nomairi yadofararira pakati pomarudzi,

Moroi.

Kutenda noUchenjeri

2 Hama dzangu, mbondotii mufaro basi, pese pamunopinda mumiedzo idosiyanasiyana, 3 ndava munoziva kuti kuedzewa kwokutenda kwenyu kunozvara kutsungirira. 4 Kutsungirira kunofanira kupedza basa rakwene kuti muve mipurumira idokwana pasinai chamunosaya. 5 Kana panoumwe wenyu anosaya uchenjeri, mbaakumbire Mwari, anondopereka zvidotambanuka kuvanhu vese uye asingatsvage mhosva, achahupasiwa. 6 Asi mbaakumbire nokutenda asingatsakidze, ndava anotsakidza adoita kunge fungu rogungwa rinosundiwa nokupupurutsiwa nomhepo. 7 Munhu wakareyo mbaareke kutarisira kuti achatambira chinhu kuna Ishe, 8 munhu adodaroyo anomifungo miviri, anodekharikaba pazvese zvaanoita.

Urombo noUpfumi

9 Hama iri pasipasi mbaidade nokukwiridzihwa kwayene, 10 nomupfumi mbaadade nokuderedzewa kwache, ndava achapfuruka kunge ruva romusango. 11 Ndava zuva rinobirika nochithuthu charene rosvavisa usva, ruva rousvaho rinokuhumuka, kunaka kwarene kunoparara. Ndizvo zvichaita mupfumi achaumbuka ari pakati pokuita maronda yache.

Kuedzewa

12 Adokomborehwa munhu anotsungirira pamuedzo, ndava kana wakunda pakuedzewa achatambira korona youpenyu idovimbisiwa naMwari kuno avo vanomuda. 13 Pakuedzewa, mbapareke kuva nomunhu anoti, "Ndiri kuedzewa naMwari," Ndava Mwari anoedzewaba nozvidoipa, naiye pachake anoedzaba munhu. 14 Asi munhu wese anoedzewa kana zvido zvache zvidoipa zvamukwezva nokumunyengedza. 15 Zvino kana chido chidoipa chabata, chinozvara chitadzo, chitadzo kana chakuritsa, chinozvara ipfa.

16 Hama dzangu dzinodikana rekai kunyengedzewa. 17 Chidonaka chese nochipo chese chidokwana chinoburuka chichibva kudzuru, kuna Baba vozviedza vasingasanduke kunge mimvuri inonyedza. 18 Vadosarudza kutizvara kuburikidza noshoko rochokwadi, kuti tive chibereko chokuthanga chozvisikwa zvavo.

Kunzva noKuita

19 Hama dzangu dzinodikana, zivai zvinhu zvakarezvi. Munhu wese mbaakurumidze kunzva, achehwe kunyaira futi achehwe kukaripa, 20 ndava ukari hwomunhu hunouyisaba kururama kunodiwa naMwari. 21 Saka bisai tsambwa dzese nokuipa kudowanda, nokuzvininipisa mutambire shoko ridotimbikiwa mamuri, rinogona kukuponesai.

22 Rekerai kuzvinyengedza nokundotetekera shoko basi, asi itai zvarinoreva. 23 Wese anotetekera shoko asi asingaite zvarinoreva adofanana nomunhu anoona chiso chache pachiringiriro, 24 anoti kana wabva kuzvinangara, anoenda achibva wakangamwirafuti kuti adoita tini. 25 Asi munhu anonatsa kunangara mutemo udokwana unosunungura, kana akaramba achiita daro, asingakoshiwe zvaanzva, asi achizviita, acharopafadziwa panozvaanoita.

26 Uyo anozviona semunamati asi asingadzore chirimi chache, anozvinyengedza nokunamata kwacheko hakunai nokabonyo kese. 27 Kunamata kunotambihwa naMwari Baba sekudochena kusinai tsambwa nghuku, kuchengeta hungwa novajiche pakutambudzika kwavo nokuzvichengeta kubva pakusvipisiwa nonyika.

Veja também

Publicidade
Tiago
Ver todos os capítulos de Tiago
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-18_14-04-22-