1 Rudo mbarirambe riripo pakati pohama. 2 Damba kureka kuitira varendo rudo, nokuti vachidaro vamwe vadogara pabodzi nongirozi vasingazvizive. 3 Yeukai avo vari mutorongo, kunge mudosungiwa pabodzi navo, novanobatiwa uyanga, sekunge ndimi muri kutambura.
4 Kuroorana mbakukudziwe nomunhu wese, nobonde rovadoroorana mbarireke kusvipisiwa, nokuti Mwari achatongesa mhombo nomahure.
5 Zvichengetei mudosununguka kubva pakuditsa mari, uye mugutsikane nozvamunazvo, nokuti iye adoti, "Ndinokurekeraba kana kukusiya." 6 Nokudaro tinonyaira tisingache tichiti,
"Ishe ndiye mubatsiri wangu,
Ndinochaba,
munhu anondiiteiko?"
7 Yeukai vatungamiriri venyu, vakarevo vadokuparidzirai shoko raMwari; cherechedzai kuguma kwoupenyu hwavo, motevera kutenda kwavo. 8 Jesu Khirisitu anogara adodaro nezuro, nasi nokusingapere. 9 Rekai kutsambutsiwa nodzimwe dzidziso dzisingazikane, nokuti zvidonaka kuti mwoyo usimbisiwe nomutsa, aikona nozvokuja zvidoyeresewa, zvisinai kubatsira ivo vanozvija.
10 Isisu tino atari pasingatendehwe kujihwa novanobata basa pabumba rokukumanira. 11 Nokuti zvitunha zvozvipfuwo zvinogazi raiuyisiwa muimba itsvene nomuphirisita mukuru sechipiriso chozvitema zvaipisihwa kunze kwomusasa. 12 Saka naJesuwo adotambudzika kunze kwomusuwo weguta kuti aita vanhu vatsvene kuburikidza nogazi rache. 13 Naizvozvo mbatibudire kwaari kunze kwomusasa, titakure kunyadzisiwa kwaadokumana nako. 14 Nokuti pano hatinai guta rinogara, asi tinotsvaga guta richadzouya. 15 Naizvozvo mbatirambei tichimbondobaira chibairo chokurumbidza Mwari kuburikidza naye, ndicho chibereko chomiromo inopfakaza zita rache. 16 Rekai kukangamwa kuita zvidonaka nokukovana novamwe zvamunazvo, ndava Mwari anofadziwa nokuzvipira kudodaro.
17 Tetekerai vatungamiriri venyu muzviise pasi pavo, nokuti vanochengeta mweya yenyu, sevanhu vachadzobvunziwa pamusoro penyu. Itai zvakarezvi kuti ivo vaitewo basa ravo vachifara vasingaremehwe, ndava zvakarezvo hazvikubatsirei chinhu.
18 Tinamatirei, nokuti tinochokwadi kuti tinohana dzidochena tinoda kuita zvidonaka muzvinhu zvese. 19 Ndinokukumbiritsai kuti muite zvakarezvi kuitira kuti ndidzotsehwe kwamuri nokamangu.
20 Zvino Mwari worugare adodzotsa pakare kubva kuvadopfa Ishe wedu Jesu, nyakabusa mukuru womahwai, nogazi rochibvumirano chisingapere, 21 mbaakukwanisei nozvinhu zvese zvidonaka kuti muite kuda kwache, iye achishanda mukati menyu zvinhu zvinofadza pamberi pache, kuburikidza naJesu Khirisitu, mbaave nokubhwinya nokusingaperepere! Ameni.
22 Ndapota hama dzangu, batiranai pashoko rokuraira kwangu, nokuti ndidokunyorerai zvishomashoma. 23 Nzvitsitsai kuti hama yedu Timoti adosununguhwa. Kana akakurumidza kusvika ndichauya kudzokuonai pabodzi naye.
24 Ndimoreserei vatungamiriri venyu vese novatsvene vese. Avo vanobva kuItari vanokumoresai.
25 Mutsa mbauve nemi mese. Ameni.