Publicidade

Hebreus 1

Shoko raMwari kuburikidza noMwanakomana wache

1 Kare Mwari adonyaira kumadzibaba yedu nomitoo mizinji uye nonzira dzidowanda kuburikidza novaporofiti, 2 asi mumazuva yakareyano yokupedzisira adonyaira kwatiri kuburikidza noMwanakomana wache, waadogadza kuva muji wonhaka yozvinhu zvese, waadosikawo naye zvinhu zvese. 3 Ndiye chiratidzo chokubhwinya kwaMwari nochimiro chache chaicho, anochengeta zvisikwa zvese nosimba roshoko rache. Paadopedza kukohorora zvitadzo, adogarikika kujanja roruji roUkuru kudenga.

Ukuru hwoMwanakomana waMwari

4 Mwanakomana adova mukuru zvidonyanya kupinda ngirozi sezvo zita raadogara nhaka ridonaka kukunda mazita yadzene. 5 Nokuti kungirozi ipi Mwari yaadoti kwairi,

"Ndiwe Mwanakomana wangu,

nasi ndakuzvara?"

Kana kuti pakamu,

"Ndichava Baba vache,

uye iye achava Mwanakomana wangu?"

6 Pakamu, paanouyisa dangwe rache munyika, anoti,

"Ngirozi dzese dzaMwari mbadzimunamate."

7 Kungirozi anoti,

"Anoita kuti ngirozi dzache dzive mhepo,

novaranda vache kuti vave marimi yomoto."

8 Asi pamusoro poMwanakomana anoti,

"Mupando wenyu woushe, imi Mwari, uripo nokusingaperepere!

Tsvimbo yokururama ndiyo tsvimbo youshe hwenyu.

9 Mudoda kururama mudovenga kusayamutemo.

Nokudaro Mwari, iye Mwari wenyu

adokuzodzai nomapfuta yomufaro

kupinda shamwari dzenyu."

10 Uye,

"Imipa, Ishe, mudoteya nheyo dzonyika pakuthanga,

uye matenga ibasa romanja yenyu,

11 iyo yachaparara, asi imipa mucharamba muripo,

iyo yese yachasakara kunge biza.

12 Muchayapeta kunge jasi,

uye kunge biza yachasanduhwa.

Asi imipa munoramba mudodaro,

nomakore yenyu hayapere."

13 Adombonyaira kuno ngirozi ipi achiti,

"Garikika kujanja rangu rokuruji

kusvikira ndaita vavengi vako

chitsiko chotsoka dzako?"

14 Ko ngirozi dzese mweyaba nai inoshumira idotumiwa kuti ishumire, avo vachagara nhaka yoruponiso?

Veja também

Publicidade
Hebreus
Ver todos os capítulos de Hebreus
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-18_14-04-22-