Publicidade

Hebreus 9

Kushumira kwoKudenga nokwoPanyika

1 Zvino naiyoiwo sungano yokuthanga yanga inomirairo yokushumira nayo uye noimba itsvene yopanyika. 2 Nokuti dumba rokukumanira ridomisiwa, mukamuri yarene yokuthanga manga munochigadziko chomwenje, notafura yanga inomazingwa yayene yadokumikidziwa, kamuri yakarei ndiyo yaidaidziwa kuti Nzvimbo Itsvene. 3 Zvino pamasure pobiza rochipiri panga pano kamuri yochipiri inoitiwa Itsvene-tsvene, 4 manga munombiya yondarama yozvinonushira uye nophutumende yochibvumirano yanga idonamiwa nondarama kumativi yese, makaremo manga muno hari yondarama yanga inomana, notsvimbo yaAroni idothungira, nohwendefa yochibvumirano, 5 pamusoro pophutumende panga pano makherubhi yokubhwinya yanga yadofukidza mupando wonyasha. Pano zvakarezvi tinonyairaba zvidowanda parizvino.

6 Gadziriro dzakaredzi dzidoti dzaitiwa saizvozvo, vaphirisita vaipinda nguwa nonguwa mukamuri yokuthanga, vachibata mabasa yavo yokushumira, 7 asi mukamuri yochipiri muphirisita mukuru ndiye basi waipinda kabodzi pagore, nogazi raanga achizvibaira iye pachake uye norozvitadzo zvovanhu zvavaitadza vasingazive. 8 Nozvakarezvi Mweya Mutsvene wainangidza kuti nzira inoenda kuNzvimbo Itsvenetsvene yanga isati yavhuriwa kana dumba rokusangana richiri kushanda. 9 Wakareyu waiva mufananidzo wonguwa yakareino. Maererano nourongwa hwakarehu, zvipo nozvipiriso zvinobaihwa zvisingagone kuita kuti hana yaiye mushumiri ichene, 10 zvinondova zvokuja nozvokumwa chete, pabodzi nokushamba kudowanda, iri mirairo idoraihwa pamusoro pomuviri kusvikira panguwa yokuvandudziwa.

11 Asi Khirisitu paadoratidziwa semupirisita mukuru wozvinhu zvidonaka zvidodzouya, pakarepo kuburikidza nodumba rokusangana rikuru uye idokwana isinai kuitiwa nomanja yomunhu, ndokuti isiri yokusikiwa kuno. 12 Adopinda kabodzi zvikapera adomirira vese muNzvimbo Itsvene asinai gazi rombudzi kana rotumhuru asi nogazi rache chairo, ndokutiwanira rudzikinuro risingapere. 13 Nokuti kusasiwa kwogazi rombudzi norongunzi norota rotsiru pamusoro povanhu vanotsambwa zvinovaita kuti vanatsiwe nokuchenesewa panyama. 14 Ko gazi raKhirisitu adozviita chibairo kunaMwari chisinai zvachinonenedzehwa, chichiitiwa kuburikidza noMweya usingapere, richanyanyitsa tini kunatsa hana dzedu pamabasa yadopfa kuti tishumire Mwari mupenyu!

15 Nochikonzero chakarechi Khirisitu ndiye murevereri wochibvumirano chitsva, kuitira kuti avo vadodaidziwa vapasiwe chipikihwa chonhaka yokusingapere. Zvino iye adopfa sechibairo chokuvasunungura kubva kuzvitema zvidotadziwa pasi pochibvumirano chokuthanga. 16 Nokuti pano chibvumirano panofanirawo kuva noipfa yowakareyo adoita chibvumiranocho. 17 Nokuti chibvumirano chinothanga kushanda chete kana paita ipfa yoadochiita, nokuti hachinai masimba kana adochiita achiri mupenyu. 18 Nokudaro kana chibvumirano chokuthanga hachinai kuitiwa pasinai gazi. 19 Nokuti Mozisi paadopedza kunyaira kuvanhu vese maererano nomutemo, adotora gazi rotumhuru norombudzi, pabodzi nomvura noukuse hutsvuku notumathai tokamuti kanonzi hisopi ndokuwazira bhuku pacharo novanhu vese, 20 achiti, "Rakareri ndiro gazi rochibvumirano chamudoraihwa naMwari kuti muchengete." 21 Uye nonzira ibodzibodziyo adowazira gazi paimba yokusangana nopamidziyo yese yokushumira nayo. 22 Zvochokwadi, pasi pomutemo zvinhu zvinenge zvese zvinochenesewa nogazi, uye pasinai kudeuka kwogazi hapanai kurekerehwa kwozvitema.

Chibairo chaKhirisitu Chinobisa Zvitema

23 Nokudaro zvanga zvidokodzera kuti mifananidzo yozvinhu zvokudenga ichenesewe nozvibairo zvakarezvi, asi zvinhu zvokudenga pachazvo zvinoda kuchenesewa nozvidonaka kupinda zvakarezvi. 24 Nokuti Khirisitu adopindaba muimba itsvene idoitiwa nomanja yovanhu, unova mufananidzo wochaiyo, asi adopinda kudenga chaiko, kuti zvino azviise pamberi paMwari adotimiririra. 25 Asingazviite chibairo achidzokerera, kunge muphirisita mukuru anombondopinda paNzvimbo Itsvene gore nogore anogazi risiri rache, 26 nokuti dai zvanga zvidodaipo waitambura kadowanda kubva pakuthanga kwonyika. Asi sezvazviri, adooneka kabodzi pakupedzisira kwonguwa kuti abiritse zvitema nokuzviita chibairo kwache. 27 Uye zvakudotariwa kuti vanhu vapfe kabodzi, mumasure mozvakarezvo kutongewa kuchidzouya, 28 nokudarowo Khirisitu, zvaadoitiwa chibairo kabodzi kuti atakure zvitema zvovadowanda, achadzooneka kwochipiri, aikona kudzotakura zvitema asi kudzoponesa vakarevo vari kumirira noshungu kudzoka kwache.

Veja também

Publicidade
Hebreus
Ver todos os capítulos de Hebreus
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-18_14-04-22-