1 Naizvozvo, hama dzitsvene, vanokovana kudaidziwa kwokudenga, fungitsitsai Jesu nhumwa nomuphirisita mukuru watinopupura. 2 Wanga adotendeka kuno uyo adomugadza, sekutendekawo kudoita Mozisi muimba yaMwari. 3 Nokuti Jesu anofanira kukudziwa kupinda Mozisi, sekukudziwa kunoitiwa muvakhi woimba kupinda imba yacho. 4 Nokuti imba imwe noimwe inovakhiwa nomunhu, asi muvakhi wozvinhu zvese ndiMwari. 5 Zvino Mozisi wanga adotendeka muimba yaMwari semuranda, kuti ave chapupu chozvinhu zvaidzonyairiwa pamasure. 6 Asi Khirisitu wanga adotendeka pamusoro poimba yaMwari seMwanakomana. Uye tiri imba yache kana tikabatitsitsa kuvimba kwedu nokuzvirumbidza mutariro yedu.
7 Naizvozvo, sezvinonyaira Mweya Mutsvene achiti,
"Nasi kana muchinzva izvi rache,
8 rekai kuomesa mwoyo yenyu sepanguwa yokupanduka
pazuva rokuyedzewa musango,
9 pandidoyedzewa nomadzibaba venyu
vadoona mabasa yangu kwomakore makumi manai.
10 Naizvozvo ndidokaripisiwa norudzi rakarero, ndikati,
‘Vanogara vachimbondotaika mumwoyo yavo, havanai kuziva nzira dzangu.’
11 Ndidopika muukari hwangu, ndikati,
‘Havachapinda pazororo rangu!’"
12 Chenjerai, hama dzangu, kuti mukati moumwe wenyu mureke kuva nomwoyo udoipa usingatende, mutsauke muchibirika kubva kuna Mwari mupenyu. 13 Asi simbisanai zuva rimwe norimwe, kana kuchiri kunzi "Nasi," kuti kureke kuva noumwe wenyu anoomesewa mwoyo nokunyengera kwochitema. 14 Nokuti tinokovana muna Khirisitu, kana tichibatitsitsa mavambo yokutenda kwedu kusvikira pakupedzisira.
15 Pazvinonyaihwa zvichinzi,
"Nasi, kana muchinzva izvi rache,
rekai kuomesa mwoyo yenyu
sepanguwa dzokupanduka."
16 Mbanaani vadonzva uye vadomupandukira? Vanga vasiri ivo vese vadobirika muIjipiti pasi poutungamiriri hwaMozisi chere? 17 Mbanani vadomukaripisa kwomakore makumi manai? Vanga vasiri ivo chere anyakutadza, vano mitumbi idowira musango? 18 Anga adopika kunaani achiti havapinde pazororo rangu, ndivoba vokutadza kuteerera? 19 Saka tinoona kuti vanga vasingakwanise kupinda nokuda kwokusatenda kwavo.