Publicidade

Hebreus 2

Ruponiso Rukuru

1 Nokudaro tinofanira kutetekeretsa kuno zvakarezvo zvatidonzva, kuti tireke kubirika kubva pazviri. 2 Nokuti kana mashoko yadonyairiwa nongirozi yanga yanosimba uye kutadza kwese nokusatetekera kwese kudopasiwa mubairo udofanira, 3 tichapukunyuka tiniko kana tisinai basa nokuponesewa kukuru kudodai? Kudoparidziwa pakuthanga naIshe, kukasimbisiwa kwatiri novakarevo vadomunzva. 4 Naiyewo Mwari adopupura nozviratidzo nozvishamiso nominana mizinji uye nozvipo zvoMweya Mutsvene zvidokovehwa nokuda kwache.

Anotitungamira Kuruponiso

5 Nokuti Mwari haanai kuisa pasi pongirozi nyika inouya yatiri kunyaira nozvayo. 6 Asi zvidopupuriwa noumwe panoimwe nzvimbo achiti,

"Ko munhu chiiko zvamunomuitira hanya,

kana mwanakomana womunhu zvamunomubvakachira?

7 Kwokanguwa mudomuderedza pashoma panongirozi

mudomushongedza korona yokubhwinya nokukudziwa,

8 mudoisa zvinhu zvese pasi potsoka dzache."

Zvino pakuisa zvinhu zvese pasi pache, haanai kusiya chinhu kunze chisinai kuisiwa pasi pache. Panguwa ino hatinati taona zvinhu zvese zviri pasi pache. 9 Asi tinoona Jesu, iye kwokanguwa kapfupi adoitiwa mudiki pashoma kungirozi, asi zvino adoshongedzewa korona yokubhwinya nokukudziwa nondava yokuti adotambudzika pakupfa, kuitira kuti nomutsa waMwari aravire ipfa nokuda kwomunhu wese. 10 Nokuti zvanga zvidokodzera kuti zvinhu zvese zvidoitihwa iye uye kuti zvinhu zvese zviripo nokuda kwache, pakuuyisa kwache vanakomana vadowanda pakubhwinya, akwanise kuva muvambi woruponiso ravo rudokwana kuburikidza nokutambudzika.

11 Nokuti uyo anovaita vatsvene novakarevo vanoitiwa vatsvene vese mbabodzi. Ndosaka asinganyare kuvadaidza kuti hama. 12 Iye anoti,

"Ndichaparidzira zita renyu kuhama dzangu,

pakati poungano ndichakurumbidzai."

13 Pakare, "Ndichaisa kuvimba kwangu maari." Uye, "Pano ndini, novana vandidopasiwa naMwari."

14 Nokudaro vana zvavari vonyama nogazi, naiyewo pachake adotorawo zvibodzibodzizvo, kuti kuburikidza noipfa aparadze anosimba roipfa, iye, jabhurosi, 15 wosunungura ivo vese vadoitiwa varanda kwoupenyu hwese kuburikidza nokucha ipfa. 16 Nokuti pachokwadi haabatsiri ngirozi asi vana vaAbhurahamu. 17 Naizvozvo adofanira kuti afanane nohama dzache pazvese, kuitira kuti ave muphirisita mukuru adotendeka uye anomutsa mubasa raMwari, kuti adzikinure zvitema zvovanhu. 18 Nokuti iye pachake adotambudzika paadoyedzewa, anogona kubatsira vanoyedzewa.

Veja também

Publicidade
Hebreus
Ver todos os capítulos de Hebreus
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-18_14-04-22-