Publicidade

Hebreus 10

1 Nokuti mutemo zvauri mumvuri wozvinhu zvidonaka zvichauya usiri mufananidzo chaiwo wozvinhu zvakarezvi, haupfe wakwanisa kuita kuti vanonyedza papfupi vave vadokwanisiwa nozvibairo zvakarezvo zvavanobaira gore nogore. 2 Manje kana zvanga zvidodaro, dai zvisinai kupera kubaihwa nai, kana vanonamata vanga vadonatsiwa kabodzi zvichipera vangadai vasinai chere kudzonzva mhosva yozvitema zvavo? 3 Asi muzvibairo zvakarezvo munoyeuchidzo yozvitema gore nogore. 4 Nokuti gazi rongunzi norombudzi rinokonaba kubiritsa zvitema.

5 Saka Khirisitu paadosvika panyika, adoti,

"Zvibairo nozvipo mudozvidaba,

asi mudondigadzirira muviri,

6 hamunai kufarira zvibairo zvinopisiwa

nozvibairo zvinobiritsa zvitema.

7 Pakarepo ndidoti, ‘Nangarai, ndauya

kudzoita kuda kwenyu, Imimi Mwari,

sekunyorewa kwazvidoitiwa pamusoro pangu mubhuku romutemo.’"

8 Sezvaanonyaira achiti, "Hamunai kuda kana kufarira zvibairo nozvipo uye nozvibairo zvinopisiwa nozvibairo zvozvitema" zvakarezvi zvinobaihwa maererano nomutemo, 9 ipopo adowedzera achiti, "Nangarai, ndauya kudzoita kuda kwenyu." Anobiritsa chokuthanga kuitira kuti aise chochipiri. 10 Uye nokuda kwakareku tidoitiwa vatsvene kuburikidza nochibairo chomuviri waJesu Khirisitu udobaihwa kabodzi zvikapera.

11 Uye muphirisita umwe noumwe anomira zuva rimwe norimwe achishumira, nokubaira zvibairo zvibodzi bodzizvo kadowanda, zvisingakone kubiritsa zvitema. 12 Asi Khirisitu paadobaira chibairo chibodzi chonguwa dzese pamusoro pozvitema, adogarikika pasi kujanja rokuruji raMwari, 13 kuti amirire kusvikira vavengi vache vaitiwa chitsiko chotsoka dzache. 14 Nokuti nochibairo chibodzi adoita kuti vave vadokwana nokusingapere vaye vanoitiwa vatsvene.

15 NaMweya Mutsvene anotipfakazirawo, paanoti,

16 "Chakarechi ndicho chibvumirano chandichaita navo

mumasure momazuva yakareyo, ndizvo zvinonyaira Ishe,

ndichaisa mitemo yangu mumwoyo yavo

nokuinyora mupfungwa dzavo,"

17 uye anoingidzira achiti, "Zvitema zvavo nokukanganisa kvavo ndichazviyeukaba." 18 Manje kana panokurekerehwa kwozvakarezvi, hakuchinai kubaihwa kwozvitema.

Mbatiuyei Papfupi naMwari

19 Naizvozvo hama dzangu, zvatinochivimbo chokupinda muimba itsvene nogazi raJesu, 20 nonzira itsva ipenyu yaadotivhurira kuburikidza nobiza rokudziirira, ndiwo muviri wache. 21 Sezvo tinomupirisita mukuru paimba yaMwari, 22 mbatinyedzei papfupi nomwoyo wochokwadi nokutenda kudosimba, nomwoyo yedu yawazihwa nokunatsiwa kubva pahana idoipa uye miviri yedu yashambidziwa nomvura idochena. 23 Mbatibatitsitsei kupupura kwotariro yedu kuti tireke kugwetedzeka, nokuti iye adotivimbisa adotendeka. 24 Mbationei kuti tamutsana mwoyo kuti tive norudo nomabasa yadonaka, 25 tisingareke kuungana kwedu pabodzi, setsika iri kuitiwa novamwe, asi tikurudzirane chaizvo zvamunoona kuti Zuva rakareriye riri kunyedza papfupi.

26 Nokuti kana tichimbondotadza utova mumasure mokunge tatambira ruzivo pamusoro pochokwadi, hakuchinai chimwe chibairo pamusoro pozvitema, 27 asi kundomirira tichicha kutongewa, nokutsamwa kunopfuta kunge moto kuchapedza vavengi vaMwari. 28 Munhu wese waichora mutemo waMozisi waipfa asinganzvihwe mutsa kana paita pfakazi dziiri kana dzitatu. 29 Munofunga kuti murango udoipitsitsa tiniko uchapasiwa munhu anoramba Mwanakomana waMwari, uye anoti gazi rochibvumirano raadoitiwa mutsvene naro, harinai nokabonyo kese achizvidza Mweya wonyasha? 30 Nokuti tinomuziva iye adoti, "Kutsiva mhwangu, ndicharipira." Pakamu, "Ishe achatonga vanhu vache." 31 Chinhu chinochisa kuwira mumanja yaMwari mupenyu.

32 Asi yeukai mazuva yokuthanga mumasure mokuvhenekehwa, mudotsungirira pakuhwa kukuru nomatambudziko, 33 dzimwe nguwa hamunai kubatiwa zvidonaka muchitambudziwa pamberi povanhu, dzimwe nguwa mudokovana novamwe vaiitihwa zvakarezvo. 34 Nokuti mudonzvira tsitsi vasungwa, mudotambira norufaro kuti zvidziyo zvenyu zvipambiwe, sezvo manga muchiziva kuti imipa pachenyu munopfuma idonaka uye inogara. 35 Nokudaro rekai kutaya chivimbo chenyu chinomubairo mukuru. 36 Nokuti munofanira kuva nokutsungirira kuitira kuti mumasure mokuita kuda kwaMwari mupasiwe chipikihwa. 37 Nokuti

"Kwandosara kanguwa kapfupipfupi,

Iye anouya achauya

asingachehwe,

38 asi adorurama wangu achararama nokutenda,

manje kana akadzokera mumasure,

mweya wangu haufari naye."

39 Asi hatisi avo vokudzokera kumasure kuti tiparadziwe, asi tiri avo vakutenda kuti vaponese mweya.

Veja também

Publicidade
Hebreus
Ver todos os capítulos de Hebreus
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-18_14-04-22-