Publicidade

Hebreus 4

1 Naizvozvo, chipikihwa chokupinda muzororo rache zvachichiripo, tinofanira kuchira kuti pangave noumwe wenyu achawaniwa wakundikana kusvika ikoko. 2 Nokuti nyaya idonaka idouya kwatiri sezvaidoitawo kwavari, asi shoko ravadonzva harinai kuvabatsira, nokuti harinai kusanganisiwa nokutenda kwaivo vadonzva. 3 Nokuti isisu vadotenda tinopinda pazororo rakarero, sezvaadonyaira achiti,

"Sezvandidopika pakukaripa kwangu ndichiti,

‘Musevedzi vanopindaba pazororo rangu.’"

Kunyange mabasa yache yanga yakwanisiwa kubva pakuvamba kwonyika. 4 Nokuti adonyaira panoimwe nzvimbo nozvozuva rochinomwe nonzira yakarei, achiti, "Mwari adozorora pazuva rochinomwe kubva pamabasa yache yese." 5 Pakamu panzvimbo yakarei adoti, "Vanopindaba muzororo rangu." 6 Kunyange zvazvene shoko richiripo rokuti vamwe vapinde, uye kuti vakarevo vadothanga kuritambira vadotadza kupinda nondava yokusaya kuteerera, 7 pakare anotara rimwe zuva, raanoti "Nasi," achiti kuburikidza naDhavhiti munguwa irefu idopfuura, mumazvi yadonyaihwa kare, yokuti

"Nasi, kana muchinzva izvi rache,

rekai kuomesa mwoyo yenyu."

8 Nokuti dai Joshuwa adovapasa zororo, Mwari vaidzonyairaba pamusoro porimwe zuva pamasure. 9 Nokudaro, zororo roSabata rovanhu vaMwari richiripo. 10 Nokuti ani naani anopinda pazororo raMwari anoreka mabasa yache sezvidoita Mwari pamabasa yache. 11 Naizvozvo mbatisimbirirei kuti tipinde muzororo rakarero, kuti kureke kuva nomunhu anowa nonzira ibodziyo yokusaya kuteerera kunge ivo.

12 Nokuti shoko raMwari ripenyu futi rinoshanda, ridopinza kukunda bakatwa rinocheka nonhivi dzese, rinojunga kusvika panopararana mwoyo nomweya, nomapfundo nomwongo, uye rinotonga ndangariro nozvido zvomwoyo. 13 Nopamberi pache hapanai chisikwa chidosvisvika, asi zvinhu zvese zviri pachenu futi zvidozaruka pameso yaiye watinofanira kuzvidairira kwaari.

Jesu Muphirisita Mukuru Panovese

14 Nokudaro, zvatinomuphirisita mukuru panovese anomukurumbira adokwira kudenga, Jesu Mwanakomana waMwari, mbatibatitsitsei kutenda kwatinopfakaza. 15 Nokuti hatinai muphirisita mukuru panovese asingagone kutinzvira mutsa pakuvhuwa kwedu, asi uyo adoedzewa pazvinhu zvese kunge isisu, asinai zvitema. 16 Naizvozvo mbatinyedzei tisingache kumupando youshe wonyasha, kuti tinzvihwe tsitsi nokuwana mutsa tibatsihwe panguwa idokodzera.

Veja também

Publicidade
Hebreus
Ver todos os capítulos de Hebreus
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-18_14-04-22-