1 Zvino zvatiri kunyaira chaizvo panozvakarezvi nzvizvi, tinomupirisita Mukuru, iye adogarikika kujanja roruji roMupando woUkuru kudenga. 2 Ndiye mushumiri woimba itsvene, nowoimba yaMwari yochokwadi isinai kuisiwa nomunhu asi naMwari.
3 Nokuti muphirisita mukuru umwe noumwe adogadziwa kuti apereke kuna Mwari zvipo nozvibairo, nokudaro zvidokodzera kuti muphirisita iyeyuwo awane chokupereka. 4 Zvino dai wanga ari panyika, anga dai asinai kuva muphirisita zvachose, nokuda kwokuti vaphirisita varipo vanopa zvipo sezvinorehwa nomurairo. 5 Ivo vanoshumira mufananidzo nomumvurimvuri woimba yaMwari yokudenga, nokuti Mozisi paanga wakuda kuita imba yaMwari, adokohomedzewa naMwari, achiti, "Ona kuti wanhadzira zvese maererano nonzira yozvaudonangidziwa mugomo." 6 Asi sezvazviri, Khirisitu adowana ushumiri hudonyanyitsa kunaka kukunda hwokare nokuti sungano yaanoreverera idonaka idosimbisiwa nozvivimbiso zvidonakitsa.
7 Nokuti kana dai chibvumirano chokuthanga changa chisinai chachinonenedzehwa, panga dai pasinai nzvimbo yochibvumirano chochipiri. 8 Nokuti anowana mhosva kwavari paanoti,
"Mazuva yachauya, ndizvo zvinonyaira Ishe,
pandichaita chibvumirano chitsva noimba yaIzirairi uye noimba yaJudha,
9 chisinai kufanana nochibvumirano chandidoita nomadzibaba vavo
pazuva randidovabata nojanja ndichivabiritsa munyika yoIjipiti,
nokuti havanai kuramba vari muchibvumirano changu,
naizvozvo inini handinaiwo kuita hanya navo, ndizvo zvinonyaira Ishe.
10 Ichi, ndicho chibvumirano chandichaita noimba yaIzirairi
mumasure momazuva yakareyo, ndizvo zvinonyaira Ishe,
Ndichaisa mirairo yangu mupfungwa dzavo,
nokuinyora mumwoyo yavo,
uye ndichava Mwari wavo
ivo vachava vanhu vangu.
11 Hapanai achadzidzisa mabiyache
kana hama yache achiti,
‘Ziva Ishe,’
nokuti vese vachandiziva,
kubva kumudiki kusvikira kumukuru.
12 Nokuti ndichava nomutsa nokuda kwounyangadzi hwavo,
uye handichadzorangarira zvitema zvavo."
13 Mukunyaira pamusoro poChibvumirano Chitsva anobata Chibvumirano Chokare sechidosakara. Uye chinhu chaakusakara nokuchembera chaakunyangarika.