1 Zvino kutenda ndicho chisimbiso chozvinhu zvatinotarisira, nochiratidzo chozvinhu zvatisingaone. 2 Nokuti naiko vanhu vokare vadopfakazihwa zvidonaka.
3 Nokutenda tinonzvitsitsa kuti nyika idosikiwa noshoko raMwari, nokudaro zvinooneka zvidoitiwa nozvinhu zvisingaoneke. 4 Nokutenda Ebhero adobaira chibairo chidonaka kuna Mwari kupinda chaKhaini, kuburikidza nacho adopfakazihwa kuti wanga adorurama, Mwari achimupfakazira nokufarira zvipo zvache, adopfa, asi kuburikidza nokutenda kwache achiri kunyaira nanasi.
5 Nokutenda Inoki adotorewa kuti areke kuona ipfa, uye haanai kudzooneka, nokuti Mwari wanga wamutora. Nokuti asati watorewa adopfakazihwa kuti wanga achifadza Mwari. 6 Uye kana pasinai kutenda hazvikwanisike kumufadza. Nokuti wese anonyedza papfupi naMwari anofanira kutenda kuti iye aripo uye kuti anopasa mibairo vakarevo vanomutsvagitsitsa.
7 Nokutenda Nowa, paadochenjedzewa pamusoro pozvinhu zvanga zvisinati zvaoneka, adoteerera ndokugadzira ngarava kuti araramise mhuri yache, nozvakarezvi adopasa nyika mhosva akava mugari wonhaka yokururama kunouya nokutenda.
8 Nokutenda Abhurahamu adoteerera paadodaidziwa kuti aende kunzvimbo yaadoudziwa kuti waidzoipasiwa ichiva nhaka yache, adobirika ndokuenda asingazive kwaanga achienda. 9 Nokutenda adogara munyika yochipikihwa kunge mutohwa, sepanyika yovamwe, adogara mumatumba naIsaki naJakobho, vanga vari vaji vonhaka yochipikihwa chibodzicho pabodzi naye. 10 Nokuti wanga achigurupira kuwana guta ranga rinonheyo, munhadziri nomuvakhi warene ari Mwari.
11 Nokutenda naiye Sara pachake adopasiwa masimba yokuita pamuviri kana zvache wanga wachemberetsa asinati wazvara, nokuti adoti iyeyo adomupikira adotendeka. 12 Naizvozvo kubva kumurume mubodzi, wanga watoita kunge adopfa, kudozvahwa vana vadowanda kunge nyenyedzi dzokudzuru uye kunge jecha riri kumhera kwogungwa risingaverengeke.
13 Vanhu vakareva vese vadopfa vachitenda, vasinai kupasiwa zvavadovimbisiwa, asi vadozviona zviri kurefu ndokuzvitambira, uye vadotenda kuti ivo mbarendo novatohwa panyika. 14 Nokuti vanhu vanonyaira zvidodarozvo vanonangidza pachenu kuti vari kutsvaga nyika yavo chaiyo. 15 Nokuti kana dai vairamba vachifunga pamusoro ponyika yakareyo yavadobva kwairi, vangadai vadowana mukana wokudzoka. 16 Asi manje vanoda imwe nyika idonaka, iyo yokudenga. Naizvozvo Mwari haanai nyadzi kuti adaidziwe kuti Mwari wavo, nokuti adovagadzirira guta.
17 Nokutenda Abhurahamu, paadoedzewa naMwari, adopereka Isaki sechibairo, iye wanga watambira zvivimbiso wanga waakuda kubaira mwanakomana wache mubodzi basi, 18 kana zvazvene Mwari wanga wati kwaari, "Nghuburikidza naIsaki kuti vana vako vadaidziwe zita." 19 Abhurahamu adoona kuti Mwari anokona kumutsa vanhu kuvadopfa, naipopawo kana tichinyaira nomufananidzo, adomugamuchira pakamu kubva kuvadopfa.
20 Nokutenda Isaki adokomborera umwe noumwe wovanakomana vaJakobho naIsau pamusoro poramangwana ravo.
21 Nokutenda Jakobho, paanga wakupfa, adokomborera mwanakomana umwe noumwe waJosefa, adonamata adokotamira pamusoro potsvimbo yache.
22 Nokutenda Josefa, paanga waakusvika kumagumo kwoupenyu hwache, adonyaira zvokubirika kwovana vaIzirairi, adovatsindikira pamusoro pokuvikhiwa kwomapfupa yache.
23 Nokutenda Mozisi, paadozvahwa adosvisviwa novabereki vache kwomwedzi mitatu, nokuti vadoona kuti wanga ari mwana adonaka, havanai kucha mutemo wamambo.
24 Nokutenda Mozisi, wakura, adoramba kunzi mwanakomana womwanasikana waFarao, 25 adosarudza kuitihwa zvidoipa pabodzi novanhu vaMwari panomafaro yozvitema yonguwa ipfupipfupi. 26 Iye adoti kubatiwa uyanga nokuda kwaKhirisitu ipfuma ikuru panoupfumi hwese hwoIjipiti, nokuti adonangara kumubairo.
27 Nokutenda adobirika muIjipiti asingache ukari hwamambo, nokuti adotsungirira semunhu anoona iye asingaoneke. 28 Nokutenda adochengeta Phasika nokuwazira gazi, kuti Mubai womatangwe areke kubata matangwe yovaIzirairi.
29 Nokutenda vanhu vadoyambuka Gungwa Ritsvuku sepanyika idooma, asi vaIjipiti, pavadoedza zvibodzi bodzizvo vadomwira nhondwa ndokupfa.
30 Nokutenda madziro yoJeriko yadowira pasi mumasure mokuzvengerehwa kwomazuva manomwe. 31 Nokutenda Rahabhi waiva pfambi, haanai kuparara pabodzi novaye vanga vasingateerere, nokuti wanga agamuchira nhumwa zvidonaka.
32 Uye nzvipi zvimwe zvandichanyaira? Nokuti ndichaperehwa nonguwa kuti ndinyaire zvaGidhiyoni, naBharaki, naSamusoni, naJefuta, nozvaDhavhiti naSamueri novaporofiti, 33 kuburikidza nokutenda ivova vadokunda umambo, vadoita zvidorurama, vadopasiwa zvipikihwa, vadovhara miromo yomhondoro, 34 vadodzimwa marimi yomoto waipfuta zvokupenga, vadopunyuka bakatwa ridopinza, vadosimbisiwa pakuvhuwa vakava nosimba pakuhwa, vadodzingidza mauto yomamwe marudzi. 35 Vakadzi vadopasiwa vadopfa vavo vamutsiwa kubva kuvadopfa.
Vamwe vadohwadzisiwa, vachiramba kusununguhwa, kuti vadzomuka pakamu kuupenyu hudonaka. 36 Vamwewo pakare vadotambudziwa vachisekewa nokurohwa zvikuru, uye vadotosungiwa nokuisiwa mumatorongo. 37 Vadotemewa nomabhwe, vadogwatiwa nopakati, vadobaiwa nobakatwa, vadofambafamba vadosimidziwa matehwe yomahwai noyombudzi, vasinai chinhu, vachitambudziwa, vachiitihwa zvidoipa, 38 kwavari nyika yanga isinai kuvafanira, vachidzungaira mugwenga nomumakomo, nomumapako nomumakomba yonyika.
39 Vakareva vese vanokutenda kudopembedzewa asi haanai adotambira zvavadovimbisiwa, 40 nokuti Mwari wanga waona chimwe chinhu chiri nani kwatiri, kuti kana tava pabodzi navo chete, ndipo pavanoitiwa vadokwana.