1 Naizvozvo, zvatidokomberedzewa noguti rovapfakazi ridokura daipa, mbatibiritsei zvese zvinotiremera, nozvitadzo zvinombondotinamatira, timhanye nokutsungirira mujaho watidotarihwa, 2 tidonangara kunaJesu muvambi nomukwanisi wokutenda kwedu, iye adoshinga pamuchinjikwa nokuda kwomufaro udoisiwa pamberi pache, adoshora kunyadzisiwa kwawene, achibva wagarikika kujanja roruji romupando woushe hwaMwari.
3 Mucherechedzei wakareyu adoshingirira pakupikisa kwovatadzi, kuitira kuti imipa mureke kuneta kana kuwa chikhomo. 4 Mukukikiritsana kwenyu nozvitadzo hamunati madzivisa kusvikira pakubirika gazi. 5 Anga makangamwa nai kutsindikira kunonyaira kwamuri sekuvana kuchiti?
"Mwana wangu, reka kuzvidza kuranga kwaIshe,
reka kupera mwoyo kana uchirangiwa naye.
6 Nokuti Ishe anoranga waanoda,
nokurova mwana wese waanogamuchira."
7 Munofanira kutsunga pakurangiwa. Mwari ari kukubatai sevana vache, nokuti ngupi mwana asingarangiwe nababa vache? 8 Kana mukareka kurangiwa, sezvinoitiwa vana vese, muri vana vomasanganiswa hamuzi vana vache. 9 Pamusoro pozvakarezvi, isisu taiva nanababa vedu vopanyika vaitiranga uye taivakudza. Ko hatingazviise pasi paBaba vomweya yedu kuti tirarame? 10 Nokuti ivo vadotiranga kwonguwa ipfupi sezvavaida, asi iye anotiranga kuti zvitinakire sezvaadoona zvidokodzera, kuti tikovehwe utsvene hwache. 11 Zvino kwokanguwa kuranga kwese hakufadze, asi kunodzimba pamasure kunobereka chibereko chorugare chinouyisa kururama kuno vadodzidzisiwa nako.
12 Saka simbisai pakamu manja yadorebhwedeka nomabvi yasinai simba, 13 uye nhadzirirai tsoka dzenyu nzira dzidorungama, kuti chinodzomhira chireke kudzvuguduka asi kuti chiporesewe.
14 Tsvagai kuva norugare novanhu vese, uye noutsvene nokuti kunze kwahwene hapanai achaona Ishe. 15 Onai kuti hapanai anokundikana kuwana mutsa waMwari, kuti "mudzi unovava" ureke kumuka uchikutambudzai, uye kuti nawo vazinji vasvipisiwe. 16 Mbakureke kuva nomhombo kana asinai basa nokunamata fanike Isau, adotengesa udangwe hwache nokundoja kabodzi basi. 17 Nokuti munoziva kuti mumasure mozvakarezvo, paanga waakuda kugara nhaka yokukomborehwa, adorambiwa, nokuti haanai kuwana nguwa yokupinduka, kana zvazvene adoitsvaga nomisodzi.
18 Nokuti hamunai kuuya kugomo rinobatika nomanja, futi riri kupfuta moto, uye kurima nokukusvipa nokuduthu rikuru, 19 nokukurira kwotsuri, nokuizvi romashoko ivo vadorinzva vadokumbira kuti yamwe mashoko yareke kudzonyaihwa kwavari. 20 Nokuti vadotadza kutsungirira pano zvavadopasiwa kuti vateedze, "Kunyange mhuka kana ikasvika pagomo, ichatakiwa nomabhwe." 21 Nzvimbo yacho yanga ichichisa chaizvo, zvokuti naMozisi adototi, "Ndinotetemera nokucha."
22 Asi imipa mudouya kugomo roZiyoni nokuguta raMwari mupenyu, Jerusarema rokudenga, nokungirozi dzisingaverengeke dzinounganira mhemberero, 23 nokuungano yomatangwe yadonyorewa kudenga, nokumutongi anova Mwari wovese, nokumweya yovadorurama vadokwanisiwa, 24 nokunaJesu, murevereri wochibvumirano chitsva, nokugazi ridosasiwa rinonyaira zvidonaka kupinda raEbhero.
25 Onai kuti munorambaba iye ari kunyaira. Nokuti kana ivo vadomuramba vasinai kupukunyuka paanga achivachenjedza panyika, kana naisisuwo tinopukunyukaba kana tikamuramba iye anotichenjedza kubva kudenga. 26 Izvi rache pakarepo ridogwetedza nyika, asi iye zvino adovimbisa, achiti, "Ndichagwetedza pakamu kabodzi aikona nyika basi asi nodengawo." 27 Manje shoko iri rokuti, "Kabodzi pakamu," rinonangidza kubiritsiwa kwozvinogwetedzeka, zviri zvidosikiwa, kuitira kuti zvisingagwetedzeke zvisare.
28 Sezvo tiri kutambira umambo husingagwetedzeke mbatitendei nokushumira Mwari kunotambirika nokuremekedza nokucha, 29 nokuti Mwari wedu moto unoparadza.