Publicidade

Hebreus 5

1 Nokuti muphirisita mukuru wese anosarudziwa kubva kuvanhu anogadziwa kuti amiririre vanhu pazvinhu zvaMwari, kuti apereke zvipo nozvibairo pamusoro pozvitema. 2 Iye anogona kubata zvidopfava vasingazive novanotaika, sezvo iye pachake adovhuwawo. 3 Nondava yozvakarezvi iye anofanira kuzvibaira chibairo pamusoro pozvitema zvache, sezvaanobaira zvovanhu. 4 Futi hapanai munhu angazvitorere kuremekedzewa ikoku, asi anotodaidziwa naMwari, sezvidoitiwa Aroni.

5 Saizvozvowo Khirisitu haanai kuzvitutumadza pachake pakuitiwa muphirisita mukuru, asi adogadziwa naiye adoti kwaari,

"Ndiwe Mwanakomana wangu,

nasi ndakubereka,"

6 sezvaanonyaira kamu panoimwe nzvimbo achiti,

"Ndiwe muphirisita nokusingapere,

unoupirisita hunobva panaMerikizedheki."

7 Mumazuva yokurarama kwache panyama, Jesu adouya kunaiye wanga achigona kumuhwira paipfa, nominyengetero nozvikumbiro, achirira nokurira kukuru nomisodzi, ipopo adonzviwa nokuda kwokucha kwache Mwari. 8 Kunyange zvazvene waiva Mwanakomana, adodzidza kuteerera kuburikidza nozvaadotambudzika nazvo, 9 uye adoti wakwanisiwa adodzova muvambi wokuponesewa kusingapere kuno vese vanomutetekera, 10 adonzi naMwari muphirisita mukuru anoupirisita hunobva panaMerikizedheki.

Chenjedzo Pamusoro Pokusiya Kutenda

11 Pamusoro pozvakarezvi tinozvidowanda zvokunyaira zvidooma kutsanangura, zvamava maburunzeve pakunzva. 12 Nokuti kunyange maifanira kuva vadzidzisi zvino, kana tichinangara nguwa, munoda munhu anokudzidzisai pakare dzidziso dzokuthanga dzoshoko raMwari. Munoda kupasiwa mukaka aikona zvokuja zvikukutu, 13 nokuti wese anorarama nomukaka haanai useza pashoko rokururama, nokuti achiri mucheche. 14 Asi zvokuja zvikukutu nzvovakura, vanokuziva kudodzidzisiwa nonzira yokurovedzehwa kuzivitsitsa zvidonaka nozvidoipa.

Veja também

Publicidade
Hebreus
Ver todos os capítulos de Hebreus
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-18_14-04-22-