1 Nokuti iyeyu Merikizedheki, mambo wokuSaremi, muphirisita waMwari Wokumusorosoro, adosangana naAbhurahamu paanga achibva kobaya madzimambo uye adomukomborera, 2 ipopo Abhurahamu adomupasa chogumi chozvinhu zvese. Pakuthanga zita rache iye, rinodudzihwa kuti, mambo wokururama, uye pakamu mambo woSaremi, ndokuti, mambo worugare. 3 Haanai baba kana amai kana madziteteguru, haanai kuthanga kwomazuva kana magumo youpenyu, asi adofananidziwa noMwanakomana waMwari anogara ari muphirisita nokusingapere. 4 Zvino nangarai kukura kwowakareyo. Abhurahamu teteguru wedu adotomupasa chogumi chozvaadopamba. 5 Uye avo vari vanakomana vaRevhi vanopasiwa basa rouphirisita vanomutemo uri mumurairo wokuti vatore chogumi kubva kuvanhu, iko kuhama dzavo, kunyange vakareva pakamu vari vana vaAbhurahamu. 6 Asi murume wakareyu wanga asinai nhoroondo yorudzi naRevhi adotambira zvogumi kubva kunaAbhurahamu ndokukomborera iye wanga anozvivimbiso. 7 Zvino hazvirambike kuti mudiki ndiye anokomborehwa nomukuru. 8 Pano zvogumi zviri kutambihwa novanhu vanopfa, asi kunorimwe divi zvinotambihwa nouyo anopupurihwa kuti mupenyu. 9 Umwe angatiwo Revhi pachake adotambira zvogumi, iye adobhadhara zvogumi kuburikidza naAbhurahamu, 10 nokuti wanga achiri muchiuno chababa vache Abhurahamu paadosangana naMerikizedheki. 11 Zvino kana kukwana kuchiuyisiwa nonzira youphirisita hwonzvahwa dzaRevhi nokuti pasi pahwene vanhu vadopasiwa murairo, ko umwe muphirisita waidzomukirei anorudzi naMerikizedheki asingaitiwe anorudzi naAroni? 12 Nokuti kana upirisita huchisanduhwa, nomurairo unofanira kuti usanduriwewo pakamu. 13 Nokuti uyo anorehwa pamusoro pozvinhu zvakarezvi wanga ari worimwe rudzi, ranga risinai munhu adombobata basa paatari. 14 Nokuti zviri pachenu kuti Ishe wedu adobva kuna Judha, uye pamusoro porudzi rakareri Mozisi haanai kunyaira zvovapirisita.
15 Zvakarezvi zvidonyanya kuva pachenu zvokuvapo kwoumwe muphirisita adofanana naMerikizedheki, 16 uyo asinai kuitiwa muphirisita nokuda kwomutemo unobva padzinza raadozvahwa panyama asi nosimba roupenyu husingaparadzike. 17 Nokuti iye anopupurihwa zvichinzi, "Iwepa ndiwe muphirisita nokusingapere, upirisita hwako hunobva panaMerikizedheki." 18 Pano rimwe divi, murairo wokare udosendekewa padivi nokuda kwokuvhuwa kwawene. 19 Nokuti murairo haunai kuita kuti chinhu chive chidokwana, asi kuno rimwewo divi, kuri kuisiwa tariro iri nani kuti tinyedze kuna Mwari kuburikidza nayo. 20 Futi yanga inomhiko. Nokuti vamwe vadova vaphirisita pasinai mhiko, 21 asi iyeyu adopupurihwa nomhiko, Mwari paadoti kwaari,
"Ishe watopika
uye haasandure pfungwa dzache,
‘Uri muphirisita nokusingapere.’"
22 Zvakarezvi zvidoita kuti Jesu ave chibatiso chochibvumirano chidonakitsa.
23 Vaphirisita vokare vanga vari vazinji pauwandu, nokuti vanga vachitadzisiwa noipfa kuramba vari pabasa, 24 asi nokuti Jesu anorarama nokusingapere, anouphirisita husingapfuruke. 25 Nokudaro anogona kuponesa nguwa dzese vaye vanonyedza kuna Mwari kuburikidza naiye, nokuti anorarama nguwa dzese kuti avanyengeterere.
26 Nokuti zvanga zvidokodzera kuti tive nomuphirisita mukuru adodai, mutsvene, asinai chaanonenedzehwa, asinai padosvipisiwa, adoparadzanisiwa novatadzi, adokwidziwa kumusoro kumatenga. 27 Hazvinai kuita kunge vamwe vaphirisita vakuru, iye haapire zvipiriso zuva rimwe norimwe saivo, kuthanga nokuda kwozvitema zvache iye pasure wodzopira zvozvitema zvovanhu. Iye adobaira zvitema zvavo kabodzi zvikapera paadozvipa pachake. 28 Nokuti murairo unogadza vanhu vadovhuwa kuti vave vaphirisita vakuru, asi shoko rokupika ridodzouya pamasure pomurairo, rinogadza Mwanakomana adokwanisiwa nokusingapere.