Publicidade

Hebreus 6

1 Naizvozvo mbatisiyei dzidziso yozvokuthanga kwaKhirisitu, tipfuurire pamberi nokukura, tisingaise kamu nheyo yokupinduka pamabasa yadopfa noyokutenda kunaMwari, 2 nodzidziso yotsika yokushambidzana, yokubatiwa pamusoro, kumuka kwovadopfa, uye nokutongewa kusingapere. 3 Zvakarezvi tichazviita kana Mwari achitendera.

4 Nokuti zvinokonekaba kudzotsera pakamu vadovhenekehwa kare, vadoravidza chipo chokudenga uye vadogovehwawo Mweya Mutsvene, 5 uye vadoravidza kunaka kwoshoko raMwari nomasimba yonguwa inouya, 6 kana vakadzotsauka zvinokonekaba kuvasandura pakamu kuti vapinduke nokuti vanoroverera pakare Mwanakomana waMwari nokumunyadzisa pachenu. 7 Nokuti nyika inomwa mvura inombondona pairi, inounzira miriwo inobatsira vaye vanorimihwa inoropafadziwa naMwari. 8 Asi kana ikabereka minzva nochaguduma, inobatsiraba chinhu iri papfupi nokushurikidziwa mugumo wayene nghupisiwa.

9 Asi imipa hama kunyange tichinyaira zvidodaizvi, tinoziva chaizvo pamusoro penyu zvinhu zvidonakitsa zvinoisa kuruponeso. 10 Nokuti Mwari haasi uye asinai kururama kuti angakangamwe basa renyu norudo ramudoratidza mukushumira vatsvene nokuda kwache nanasi muchiri kuvashumira. 11 Uye tinoda kuti umwe noumwe wenyu asimbirire kunangidza kushingaira kubodzibodziko kusvika kumagumo kuitira kuti zvamunotarisira mugone kuva nazvo zvidokwana. 12 Kuitira kuti mureke kuva nonungo, asi kuti muve vateveri voavo vadogara nhaka yozvivimbiso nonzira yokutenda nokutsungirira.

Chokwadi choChivimbiso zvaMwari

13 Nokuti Mwari paadoita chivimbiso kunaAbhurahamu, nondava yokuti panga pasinai umwe mukuru waaidzopika naye, adopika naiye pachake, 14 achiti, "Chokwadi ndichakukomborera uye ndichakuwanza." 15 Nokudaro mumasure mokutsungirira, Abhurahamu adowana chivimbiso. 16 Chokwadi nyhokuti vanhu vanopika nomukuru kwavari, uye nharo dzavo dzese dzinopedzewa nomhiko. 17 Nokudaro Mwari adoti achida chaizvo kunangidza kuvaji vonhaka yochivimbiso kuti chinangwa chache chinosandukaba adochisimbisa nomhiko, 18 kuitira kuti kuburikidza nozvinhu zviiri zvisingasanduke, nokuti hazvigoneke kuti Mwari abhwodoke, kuti isisu tidotizira kutariro idoisiwa pamberi pedu kuti tiibate tive nokurudziro idosimba. 19 Tinayo tariro yakarei idotsigihwa nochitsigiso chisingagwetedzeke chomweya, inopinda mukati munzvimbo itsvene, kuseri kwobiza rinovharidzira zviri kumberi, 20 ndiko Jesu kwaadotithangira kupinda ari mumiririri wedu, adova muphirisita mukuru panovese nokusingapere anoupirisita hudofanana nohwaMerikizedheki.

Veja também

Publicidade
Hebreus
Ver todos os capítulos de Hebreus
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-18_14-04-22-