Publicidade

Filemom 1

1 Phauro, musungwa nokuda kwaKhirisitu Jesu, naTimoti hama yedu,

Kuna Firimoni mudikani wedu watinoshanda naye 2 naAfiya hanzvadzi yedu nokunaAkipasi muhwi pabodzi naisisu, nokukherekhe iri mumba mako.

3 Mutsa norunyararo zvinobva kunaMwari Baba vedu naIshe Jesu Khirisitu.

Rudo noKutenda kwaFirimoni

4 Ndinotenda Mwari wangu nguwa dzese pandinokurangarira muminamato yangu, 5 ndava ndinonzva zvorudo rako nozvokutenda kwaunako muna Ishe Jesu nokuvatsvene vese, 6 uye ndinonamata kuti kukovera kwako kutenda kusumudzire kuzikana kwozvidonaka zvese zvinova zvedu muna Khirisitu. 7 Nokuti ndidowana mufaro mukuru nokunyaradziwa kubva parudo rako, hama yangu, ndava mwoyo yovatsvene idovandudziwa nokuda kwako.

Chikumbiro Pamusoro paOnisimo

8 Zvidondodaro, kunyange ndinochivindi muna Khirisitu chokukuraira kuti uite zvinodiwa, 9 asi nondava yokuti ndinokuda ndinotoita zvokukukumbira inipano Phauro, mumiririri pakare musungwa iyezvino nokuda kwaKhirisitu Jesu. 10 Ndinokumbira kwauri nokuda kwomwana wangu, Onesimasi, wandidova baba vache muusungwa hwangu, 11 kare wanga asingakubatsire, asi iyezvino anobatsira tese iwewe nainini.

12 Ndiri kumutumira kuti adzoke futi kwauri, kunge ndiri kutumira mwoyo wangu chaiwo. 13 Ndaiditsa chaizvo kuti agare neni, kuti andishumire panzvimbo yako pakusungiwa kwangu nokuda kwovhangeri, 14 asi ndanga ndisingade kuita chinhu iwewe usinati wachitendera, kuitira kuti zvidonaka zvaungaite zvireke kuitiwa nokusukumidziwa asi nokuda kwako.

15 Nokuti pamwe udoparadzanisiwa naye kwokanguwa kadiki kuti udzova naye pakamu nokusingapere, 16 asisiri muranda, asi wava muranda ari nani, hama inodiwa, kunyanya kwandiri nokwauri munyama nomuna Ishe.

17 Saka kana uchinditora semubiyako, mutambire kunge kutambira kwaunondiita inini. 18 Kana zviripo zvaadokutadzira kunyange anochikwerete newe, mbachive changu. 19 Inini, Phauro, ndinonyora zvakarezvi nojanja rangu, ndichazviripa, ndisingataure kuti unochikwerete kwandiri iwewe pachako. 20 Ehe, hama, ndinoda kuwana chinobatsira kubva kwauri muna Ishe. Mutsiridza mwoyo wangu muna Khirisitu.

21 Mukugutsikana nokutetekera kwako, ndinokunyorera, ndichiziva kuti uchaita zvidopindiridza kukunda zvandinonyaira. 22 Panguwa ibodzibodziyo, ndigadzirire kamuri yovarendo, ndava ndiri kutarisira kuburikidza nominamato yenyu kuperekewa kwamuri.

Kumoresa kwoKupedzisira

23 Epafurasi musungwa pabodzi naini nokuda kwaKhirisitu ari kukumoresa, 24 naMariko, naArisitako, naDhimasi naRuka, vashandi biyangu.

25 Mutsa waIshe Jesu Khirisitu mbauve nomweya wenyu.

Veja também

Publicidade
Filemom
Ver todos os capítulos de Filemom
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-18_14-04-22-