1 Ufungise vatendi kuti vazviise pasi povatongi novanomasimba, kuti vateerere, vadozvigadzirira kushanda mabasa yese yadonaka, 2 vareke kunyaira zvidoipa pamusoro poumwe munhu, vareke kupopotedzana, kuti vave vanyoro, futi kuti varatidze rukudzo kuvanhu vese. 3 Nokuti isisu pachedu kare taiva madzemwa, tisingateerere, tichitsambutsiwa, tiri varanda vokuchiva kuzinji nozvinofadza, tichipedzera mazuva yedu pakuva nongetani nokuitirana chanje, tichizondewa novanhu futi tichizondana. 4 Asi padooneka kunaka nounyoro hwaMwari Muponisi wedu, 5 adotiponesa aikona nokuda kwomabasa yadonaka yatidoita, asi nokuda kwomutsa wache adotiponesa nonzira yokushambidza kwokuzvahwa patsva nokuvandudziwa naMweya Mutsvene, 6 waadodurura achiwanza patiri kuburikidza naJesu Khirisitu Muponisi wedu, 7 kuti musure mokururamisiwa nomutsa wache tiitiwe vaji vonhaka maererano notariro youpenyu husingapere. 8 Kunyaira kwakareku nghokwochokwadi.
Ndinoda kuti iwepa usimbise zvinhu zvakarezvi, kuitira kuti avo vadotenda muna Mwari vachenjere kuva vanoita mabasa yadonaka, zvakarezvi zvidonakitsa futi zvinobatsira vanhu. 9 Asi nzvenga mibvunzo youdzemwa, mazita yomadziteteguru, nharo, nonharo pamusoro pomutemo, nokuti zvinobatsiraba futi hazvinai maturo. 10 Asi kumunhu anopesanisa, ukamudzuma kabodzi kana kairi, musiirefuti, 11 uchiziva kuti munhu adodaro watsambuka futi mutadzi iyeyo, wazvitongera mhosva wega.
12 Pandinotuma Atemasi kana Tikikasi kwauri, edza nopaunogona napo pese kuuya kwandiri kuNikopori, nokuti ndasarudza kuva kwakareku panguwa yomhepo. 13 Ita zvese zvaunokona nokukurumidza kubatsira Zenasi gweta naAporo pahwendo hwavo, uone kuti vanozvese zvavanoda. 14 Futi vanhu vedu mbavadzidzewo kuramba vachiita mabasa yadonaka, kuitira kuti vabatsire kupasa zvinhu zvinenge zvichidiwa kamangu, futi voreka kuva vasinai zvibereko.
15 Vese vandinavo vari kukumoresa. Ndimoresereiwo avo vanotida pakutenda.
Mutsa mbauve nemi mese.