1 Kubva kuna Phauro, mushandi waMwari noNhumwa yaJesu Khirisitu, yokuingidzira kutenda kwovadosarudziwa naMwari nokuziva kwavo chokwadi chinoenderana nokucha Mwari, 2 mutariro youpenyu husingapere, hudovimbisiwa naMwari asinganyepe nguwa isinati yavapo, 3 futi panguwa idofanira zvidonangidziwa mushoko rache kuburikidza nokuparidza kwandidovimbiwa nako nokuraira kwaMwari Muponisi wedu.
4 Kuna Tito, mwana wangu chaiye pakutenda kwedu tese.
Mutsa norugare zvinobva kuna Mwari Baba naKhirisitu Jesu Muponisi wedu mbazvive kwauri.
5 Ndosaka ndidokusiya paKhireti kuti upedzise kugadzira zvidosara, nokugadza vakuru vokherekhe muguta rimwe norimwe sekukuraira kwandidokuita, 6 mutariri wokherekhe anofanira kuva munhu asinai chaanonenedzehwa, murume womukadzi mubodzi, anovana vanotenda vasingapasiwe mhosva yokusazvidzora kana kuti vanoteereraba. 7 Nokuti mutariri wobasa raMwari anofanira kuva munhu asinai chinhu chaanonenedzehwa, anofanira kuva asinai nharo kana anokurumidza kugumbuka kana anokorewa kana anoita botso kana anonhafu yomari, 8 asi anobata varendo zvidonaka, anoda zvidonaka, anozvibata, adorurama, mutsvene, futi anozvidzora, 9 anofanira kubatitsitsa shoko rochokwadi ridovimbika sezvarinodzidzisiwa, kuitira kuti agone kuraira vamwe nodzidziso idorurama, nokugona kukohorora vanoipikisa.
10 Nokuti varipo vadowanda vasingateerere, vanotaura zvisinai maturo novanyengedzi, kunyanya vaye voboka rovadochecheudziwa, 11 vanofanira kuvhariwa miromo yavo, nokuti vari kugumbura mhuri dzidowanda nokudzidzisa zvavasingafanire asi vanozviitira kuwana pfuma nokusatendeka. 12 Umwe muporofiti wavo, adoti, "VaKhirete vanogara vachinyepa, vanenge zvirombo zvidoipa, vanonungo vanonhafu." 13 Kunyaira kwakareku ngwochokwadi. Naizvozvo uvadzume zvidosimba kuti vave vadorurama pakutenda, 14 pachinzvimbo chokutetekera kuzvinzano zvochiJudha kana kumirairo yovanhu vanoramba chokwadi. 15 Kuno vadochena zvese zvidochena, asi kuno vadoora vasingatende, hakunai chinhu chidochena, asi mifungo yavo nohana dzavo zvidoodzewa. 16 Vanoti tinoziva Mwari, asi vanomuramba nozviito zvavo, mbaye vasingadike, vasingateerere, vasinai kukodzera kuita basa ripi zvarene ridonaka.