Publicidade

2 Timóteo 4

1 Ndinokuraira pamberi paMwari naKhirisitu Jesu achatonga vapuma novadopfa, pakuoneka kwache noumambo hwache, 2 paridza shoko, gara udogadzirira panguwa idofanira noisinai kufanira, kohorora, tsiura, uye kurudzira, nomwoyo murefu mukuru nokunatsa kudzidzisa. 3 Ndava nguwa ichasvika vanhu pavacharamba dzidziso idonaka, asi nondava yonzeve dzinonyeredzera kunzva zvavanoda vachazviunganidzira vadzidzisi vanonyaira zvinoda kunzviwa nonzeve dzavo. 4 Vachasiya kutetekera chokwadi votaika vachitetekera zvinzano. 5 Asi iwewe, ramba udodiha, shingirira pakutambudzika, ita basa romuvhangeri, zazisa ushumiri hwako.

6 Ndava ndagadzirira kuduruhwa fanike chipiriso chokumwa, futi nguwa yangu yokuenda yasvika. 7 Ndahwa kuhwa kudonaka, ndapedza mujaho wangu, ndachengeta kutenda. 8 Zvino ndidochengetehwa korona yokururama, yandichapfupihwa paZuva rakarero naIshe, Mutongi adorurama, aikona kwandiri basi, asi kuno vese vanosuva kuoneka kwache.

Mazvi Yache Pachake

9 Ita paunogona napo kuuya kuno nokamangu, 10 nokuti Dhemasi nokuda nyika yazvino, adondisiya, achienda kuThesaronika. Khiresenzi adoenda kuGaratiya, naTito adoenda kuDharomatiya. 11 Ruka ndiye wandinaye basi. Tora Mariko uuye naye, ndava anondibatsira zvidonyanya paushumira. 12 Ndidotuma Tikikasi kuEfeso. 13 Kana waakuuya ndivikhire jasi randidosiya rina Kapasi kuTiroasi, uuye nomagwaro pakare, kunyanyitsa yaye yokunhadzihwa nomatehwe.

14 Arekizanda, uye wokupfura ndarira adondibata uyanga zvidoipitsa, Ishe achamutsiidza panozvaadoita. 15 Naiwepa ugare udomuchenjerera, nokuti anoshora shoko redu zvidokungudza.

16 Pandidothanga kuzvidziirira hapanai adondiretserera, asi vese vadonditiza. Dai vareka kupasiwa mhosva nondava iyoyo. 17 Asi Ishe adomira nainini, kuti kuburikidza nainini shoko riparidziwe zvidozara kuti voyamwe marudzi varinzve. Futi ndidonunuhwa kubva mukamwa momhondoro. 18 Ishe achandipukunyutsa kubva kuno zvidoipa zvese wondiponesa kuti andisvitse muumambo hwache hwokudenga. Kwaari mbakuve nokubhwinya nokusingaperepere. Ameni.

Kumoresana Kwokupedzisira

19 Ndinotumira kwaziso yangu kuna Pirisira naAkwira nokumhuri yaOnesiforasi. 20 Erasitasi adosara kuKorinde, futi ndidosiya Tirofimasi achihwara kuMiretasi. 21 Ita nopaunogona napo kuuya kuno kamangu nguwa yomhepo isati yasvika.

Yubhurasi, Pudhenzi, Rinasi naKiraudhiya novamwe maKhirisitu vese vari kukumoresai.

22 Ishe mbaave nomweya wako.

Mutsa mbauve nemi mese.

Veja também

Publicidade
2 Timóteo
Ver todos os capítulos de 2 Timóteo
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-15_21-32-39-