1 Zvino iwewe, mwanakomana wangu, iva nosimba mumutsa uri muna Khirisitu Jesu, 2 izvozviye zvaudonzva kwandiri pamberi popfakazi dzidowanda uzvipasewo kuvanhu vadotendeka vanokonawo kudzidzisa vamwe.
3 Ukovane nainini pakutambudzika, fanike muhwi adonaka waKirisitu Jesu. 4 Hapanai anoshanda ari muhwi anozvipiringisha nozvinhu zvisiri zvobasa rache, sezvo chinangwa chache nyhokufadza mukuru wache wobasa. 5 Mumhanyi anopiwaba mubairo wokukunda kunze kwokunge wakwikwidza achitevera mutemo unodiwa. 6 Murimi anoshanda nosimba ndiye anofanira kutomora zvidorimiwa. 7 Fungitsitsa zvandiri kunyaira, Ishe achakupasa kunzvitsitsa panozvese.
8 Yeuka Jesu Khirisitu, adomutsiwa kuvadopfa, nzvahwa yaDhavhiti, sezvinonyaihwa novhangeri rangu, 9 vhangeri randiri kutambudzikira futi ndidoisiwa ngetani kunge ndaradzi. Asi shoko raMwari harinai kusungiwa. 10 Naizvozvo ndinoshingirira pazvinhu zvese nondava yovasaruhwa, kuti naivowo vawane ruponiso ruri muna Khirisitu Jesu, pabodzi nokubhwinya kusingapere. 11 Kunyaira kudovimbika nghuku,
kana tidopfa pabodzi naye,
tichararamawo pabodzi naye,
12 tikachiirira,
tichatongawo pabodzi naye.
Tikamuramba, anotirambawo.
13 Tikareka kutenda,
iye anoramba adotendeka,
ndava anokonaba kuzviramba.
14 Ugare uchivafungisa zvinhu zvakarezvi, uvachenjedze pamberi paMwari kuti vareke kuita bopoto pamusoro pomashoko, zvisinai chinhu chidonaka, asi zvinondoparadza vanonzva. 15 Ita nopaunogona napo pese kuzviisa pamberi paMwari uri munhu adokodzera, mushandi asingafanire kunyadzisiwa anobata zvidonaka shoko rochokwadi, 16 nzvenga kutaura kusinai umwari, ndava vese vanozvipinza muno zvakarezvo vanoramba vachiingidzika mukusaya umwari, 17 futi kunyaira kwavo kunonyekha kunge chironda. Pakati pavo pana Heyimeniyasi naFiretasi, 18 vakareva vadopatauka vachibva pachokwadi. Vanototi kumuka kwovadopfa kudoitika kare, vari kuparadza kutenda kwovamwe. 19 Zvisinei, nheyo yaMwari inomira idosimba inochisimbiso chokuti, "Ishe anoziva vache," futi, "Wese anopfakazira zita raIshe mbaabirike panozvidoipa."
20 Muimba ikuru hamunai midziyo yondarama noyosirivha basi, asi imwe njokuvezewa noyoivhu, imwe yokushandisa zvinokosha imwewo njobasa ridozvidzika. 21 Avo vese vanozvinatsa pazvinhu zvidofumuka, anodzova mudziyo unoshanda zvinoremekedzewa, udoitiwa mutsvene uchishandisiwa pabasa romuridzi woimba, udonhadzirihwa basa rese ridonaka. 22 Tiza kuchiva kudoipa kwoukomana utevere kururama, kutenda, rudo norunyararo pabodzi novaye vanodaidza Ishe nomwoyo udochena. 23 Siyana nonharo dzoudzemwa, dzisinai nonzeru dzese, nokuti unoziva kuti zvinomutsa bopoto. 24 Zvino muranda waIshe haafanire kuita bopoto asi anofanira kuva munhu anounyoro kuno vese, mbaave anogona kudzidzisa, achiita mwoyo murefu. 25 Mbaakohorore vaye vanomupikisa nokupfava, dzimwe nguwa Mwari angavapasewo chido chokupinduka kuti vasvikewo pakuziva chokwadi, 26 futi kuti vagone kupukunyuka kubva pariva rajabhurosi, iye adovatapa kuti vaite kuda kwache.