Publicidade

2 Timóteo 3

Mazuva Yokupedzisira

1 Asi unzvitsitse kuti mumazuva yokupedzisira kuchava nonguwa inotambudza. 2 Nokuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvitutumadza, vanobatana uyanga, vanoshora Mwari, vasingateerere vabereki, vasingatende, novasiri vatsvene, 3 vasinai rudo, vasingaregerere, vanofudza vabiyavo, vasingazvidzore, vanochisa, vanovenga zvidonaka, 4 vatengesi, vasinai hanya, vadooma musoro, vanoda mafaro kukunda kuda Mwari 5 vanomufananidzo wokunamata asi vachiramba simba racho. Siyana novanhu vadodaro. 6 Ndava pakati pavo panovamwe vanoverevedza vachipinda mudzimba, vachipenzveredza vanhukadzi vadoremehwa nozvitadzo, futi vanopupurutsiwa vachigwididzihwa nokuchiva kwavo kudosiyana siyana. 7 Vakadzi vakareva vanombondodzidza asi havasvike pakuziva chokwadi. 8 Fanike zvidoitiwa naJenesi naJamburesi vadopikisa Mozisi, saizvozvo vadzidzisi vakareva vanopikisawo chokwadi. Vanhu vadoora mupfungwa, vadoramba kutenda. 9 Asi hapanai kwavachasvika, ndava udzenga hwavo huchabuda pachenu kuno vese, fanike zvidoitika kuno varume vairi vakarevo.

Kuraira Kwokupedzisira

10 Zvino iwewe unoziva kudzidzisa kwangu kwese, unhu hwangu, chinangwa changu muupenyu, kutenda kwangu, mwoyo murefu wangu, rudo rangu, kutsungirira kwangu, 11 kutambudziwa kwangu, kudzimbikana kwangu, zvidondiwira kuAndiyoki, kuIkoniyamu nokuRisitira, kutambudziwa kwandidotsungirira makuri. Asi Ishe vadondihwira kuno zvese. 12 Zvino vese vanoda kurarama upenyu hwoumwari muna Khirisitu Jesu vachatambudziwa, 13 asi vanoita zvidoipa novanyengeri vachanyanyitsa kuipa, vachinyengedza nokunyengedzewa ivo. 14 Asi iwewe enderera pamberi nokuita zvaudodzidza uchibatitsitsa nozvaudotendesewa, uchiziva kuti mbani adokufundisa zvakarezvo, 15 kuti kubva paucheche hwako udoziva magwaro matsvene, yanogona kukurairira kuruponiso kuburikidza nokutenda kuri muna Khirisitu Jesu. 16 Magwaro yese yadofemehwa naMwari, futi yanobatsira kudzidzisa, kutsiura, kunhadzirisa, nokupingudza mukururama, 17 kuti munhu waMwari ave adokwana zvizere, adonhadzirihwa basa rese ridonaka.

Veja também

Publicidade
2 Timóteo
Ver todos os capítulos de 2 Timóteo
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-16_06-50-08-