Publicidade

2 Timóteo 1

1 Kubva kuna Phauro, Nhumwa yaJesu Khirisitu nokuda kwaMwari, maererano nochivimbiso choupenyu huri muna Khirisitu Jesu,

2 Kuna Timoti, mwana wangu wandinoda.

Mutsa, notsitsi, norugare zvinobva kuna Mwari Baba nokuna Khirisitu Jesu Ishe wedu mbazvive kwauri.

Kupasa Kutenda noKukurudzira

3 Ndinotenda Mwari wandinoshumira nohana idochena, kunge zvidoitiwa nomadzibaba yangu, pandinokuyeuka muminamato yangu. 4 Pandinoyeuka misodzi yako, ndinosuva kukuona masikati nousiku, kuti ndizaziwe nomufaro. 5 Ndiri kufungisiwa kutenda kwako kudoperera, kutenda kudothanga kugara munaambuya vako Roisi nomuna mai vako Yunisi, iye zvino ndinochokwadi kuti kuri mauri. 6 Nondava yakarei ndinokukurudzira kuti upfutidzire chipo chaMwari, chiri mauri chidouya nokukubata pamusoro kwandidoita. 7 Ndava Mwari haanai kutipasa Mweya wokucha, asi Mweya wosimba noworudo nowokuzvidzora.

8 Saka reka kunyara kuita upfakazi pamusoro paIshe wedu, kana pamusoro pangu inini musungwa wache. Asi batana nainini pakutambudzikira vhangeri nomusimba raMwari, 9 iye adotiponesera upenyu hutsvene— nokudaidza kutsvene, aikona nondava yozvatidoita, asi nokuda kwochinangwa chache nomutsa waadotipasa karekare muna Khirisitu Jesu. 10 Iye zvino mutsayo udoisiwa pachenu peno kuburikidza nokuoneka kwoMuponisi wedu, Khirisitu Jesu, adoparadza ipfa ndokuuyisa pachenu upenyu nokusaora, kuburikidza novhangeri.

11 Nokuda kwovhangeri rakareri ndidosarudziwa kuva muparidzi nonhumwa nomudzidzisi, 12 nokudaro ndiri kutambudzika sezvandiri kuita. Asi handinyadzisiwe nozvakarezvi, ndava ndinoziva wandidotenda, futi ndino chokwadi kuti anokona kuchengeta chandidomuchengetesa kusvikira paZuva rakarero. 13 Tevera muenzaniso womazvi yadonaka yaudonzva kwandiri, mukutenda nomurudo zviri muna Khirisitu Jesu, 14 chengeta chokwadi chidonaka chidoisiwa mauri noMweya Mutsvene anogara matiri.

15 Unozviziva kuti vese vari muEzhiya vadondisiya, pakati pavo pana Figerasi naHemogenesi. 16 Dai Ishe waitira tsitsi imba yaOnesiforasi, ndava anondimutsiridza kadowanda futi haanai kunyadzisiwa nongetani dzangu 17 Paadouya kuRoma, adotonditsvagitsitsa kusvikira wandiwana. 18 Dai Ishe vaita kuti adzowana tsitsi pamberi pache paZuva rakarero. Futi unozivitsitsa ushumiri hwese hwaadopereka paEfeso.

Veja também

Publicidade
2 Timóteo
Ver todos os capítulos de 2 Timóteo
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-15_21-32-39-