1 Vese vari pasi pouranda mbavazive kuti anatenzi vavo vanofanihwa nokuremekedzewa kwese, kuti zita raMwari nodzidziso yedu zvireke kushorewa. 2 Vaye vanoshandira anatenzi vanonamata, mbavareke kuvanyozera nondava yokuti vanonamata vese, asi vanotofanira kuvashandira zvidonyanyitsa kunaka ndava vakarevo vanobatsirika pabasa ravo mbatendi futi vadikani.
Udzidzise uchitsindikira mashandiro yakareya. 3 Kana umwewo munhu achidzidzisa zvinopesana nozvakarezvi, uye asingabvumirane nomazvi kwayo yaIshe Jesu Khirisitu nodzidziso inowirirana noumwari, 4 wakareyo anosasuhwa nounyengeri, hapanai chaanoziva, iyeyo anoda kupesanisa nokuita nharo pamusoro pomashoko, zvinopasa chanje, kunyombana, nokufungirana zvidoipa, 5 nokuramba panokukakavadzana pakati povanhu vanopfungwa dzidoora, vanga vasisiri kunzvitsitsa chokwadi ndokubva vaakufunga kuti umwari inzira yokuwana nayo upfumi.
6 Asi umwari pabodzi nokugutsikana ndiyo pfuma ikuru, 7 ndava hapanai chatidouya nacho panyika, saka hapanai chatinotorawo kubva kwairi. 8 Asi kana tino zvokuja nozvokusimira, tinogutsikana nazvo. 9 Vaye vokuda kupfuma vanowira mumiedzo, nomumiteyo, muzvido zvoudzemwa futi zvinokuwadza zvakarezvo zvinowisira vanhu mukupfukudzika nokuparadziwa. 10 Ndava kuda mari ndomavambo yozvidoipa zvese, pakuiditsa vamwe vanhu vadotsambuka kubva pakutenda ndokuzvibaya mwoyo noshungu dzizinji.
11 Asi iwewe, munhu waMwari, nzvenga zvakarezvi zvese, tevera kururama, umwari, kutenda, rudo, kutsungirira nounyoro. 12 Ihwa kuhwa kudonaka kwokutenda, batitsitsa upenyu husingapere hwaudodaidzihwa paudopasa upfakazi hudonaka pamberi popfakazi dzidowanda. 13 Ndinokuraira pamberi paMwari anopasa upenyu kuzvinhu zvese, nopamberi paKhirisitu Jesu adopasa upfakazi hudonaka pamberi paPondiyasi Pirato, 14 kuti uchengete murairo wakareyu usinai dondorozi kana chinoshoreka kusvikira pakuoneka kwaIshe wedu Jesu Khirisitu, 15 kunova kuchaisiwa pachenu panguwa idofanira, naiye adoropafadziwa, iye wega Mutongi, Mambo womadzimambo naIshe womadzishe, 16 iye wega asingapfe futi anogara pachiedza chisingasvikike, asinai kumboonewa nomunhu futi asingaoneke. Kwaari mbakuve nokuremekedzewa nomasimba nokusingapere. Ameni.
17 Raira vapfumi vomunyika yazvino, kuti vareke kuzvikudza kana kugurupira muupfumi husinai chokwadi, asi vaise tariro yavo muna Mwari anotipasa zvese zvinotinakira. 18 Vanofanira kuita zvidonaka, kuva vadopfuma pakuita zvidonaka, vave vadosununguka kupasa vamwe. 19 Mumaitiro yakareya vanozvichengetera upfumi senheyo idosimba youpenyu hunouya, kuti vabate upenyu chaihwo.
20 Iwewe Timoti chengetedza zvaudovimbiwa nazvo. Pira-gotsi kunyaira kusina umwari kuno kupesana kwavanoti izivo iyo yari mabhwodo. 21 Zvakarezvi zvinotauhwa novamwe, futi pakuita zvakarezvo vadotsambuka pakutenda.
Mutsa mbauve naimimi mese.