Publicidade

1 Timóteo 4

Vadzidzisi Vomabhwodo

1 Manje Mweya anotaura zviri pachenu kuti panguwa yokupedzisira vamwe vachatsambuka vachisiya nzira yokutenda vachitevera mweya inofurira futi vachitevera kudzidzisa kwomashave, 2 kudzidzisa kwakareku kunouya nounyengeri hwovanyepi, vanohana dzinenge dzidopisiwa nosimbi inopisa. 3 Vakareva vanorambidza kuroorana nokuja zvimwe zvidosikiwa naMwari kuti zvitambiriwe nokutenda noavo vanoziva chokwadi. 4 Ndava chese chidosikiwa naMwari chidonaka, futi hapanai chinofanira kurambiwa kana chichitambihwa nokutenda, 5 ndava chinoitiwa chitsvene noshoko raMwari futi nomunamato.

Muranda Adonaka waKhirisitu Jesu

6 Kana ukaraira zvinhu zvakarezvi kuhama, unova mushumiri adonaka waKirisi tu Jesu, adorerehwa mumazvi yokutenda nodzidziso idonaka yaudotevera. 7 Siyana nozvinzano zvisinai umwari nonyaya dzoudzemwa dzochembere, uzvifundise kuva noumwari. 8 Ndava kurovedza muviri kuno zvakunobatsira, asi kuva noumwari kunobatsira zvese, nokuti kuno zvidovimbisiwa muupenyu hwonguwa ino nohwonguwa inodzouya. 9 Kunyaira kwakareku kudotendeka, kunofanira kutambiriwa zvizere. 10 Ndosaka tichishanda nokushingirira, ndava tidoisa tariro yedu muna Mwari mupenyu, anova Muponisi wovanhu vese, kunyanyitsa wovanotenda.

11 Raira nokudzidzisa zvinhu zvakarezvi. 12 Mbakureke kuva nomunhu anozvidza udiki hwako, asi iva muenzaniso wovatendi pamatauriro, pamugariro, parudo, pakutenda nopakuchena. 13 Kusvika pandinouya, ramba uchiverenga magwaro paruzinji, pakukurudzira, nopakufundisa. 14 Reka kusaya hanya nochipo chaunacho, chaudopasiwa mukunyaira kwochiporofiti paudoturikiwa manja pamusoro novakuru vokherekhe. 15 Shingirira pakuita zvinhu zvakarezvi, uzvipire kwazviri, kuti vese vaone kubudirira kwako. 16 Zvichenjerere iwepa nozvaunodzidzisa, zvibatitsitse, ndava pakuita zvakarezvi zvichabatsira iwepa novanokunzva.

Veja também

Publicidade
1 Timóteo
Ver todos os capítulos de 1 Timóteo
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-18_14-04-22-