Publicidade

1 Timóteo 1

1 Kubva kuna Phauro, Nhumwa yaKhirisitu Jesu nokuraira kwaMwari Muponisi wedu nokwaKhirisitu Jesu tariro yedu.

2 Kuna Timoti, mwana wangu wochokwadi pakutenda.

Mutsa, notsitsi, norunyararo zvinobva kuna Mwari Baba naKhirisitu Jesu Ishe wedu mbazvive kwauri.

Chenjedzo Pamusoro Podzidziso Yomabhwodo

3 Sezvandidokukurudzira pandanga ndichienda kuMasedhoniya, ramba uri muEfeso kuti uraire vamwe vanhu kuti varekerefuti kufundisa dzidziso imwewo idosiyana, 4 kana kuva vanoramba vari muzvinzano nomadzinza yasingapere zvinosumudzira kupesana pachinzvimbo chokuendesa mberi basa raMwari rinouya nokutenda. 5 Chinangwa chokuraira kwedu rudo rinobva pamwoyo udochena, hana idonaka nokutenda kudoperera. 6 Vamwe vadotaika panozvakarezvi vachiteterekera pakunyaira zvisinai nonzeru dzese. 7 Vanoda kuva vadzididzisi vomutemo, asi ivo vasinganzvitsitse zvavanonyaira kana zvinhu zvavanosimbisa.

8 Zvino tinoziva kuti mutemo udonaka, kana munhu achiushandisa zviri pamutemo, 9 tichinzvitsitsa zvakarezvi, kuti mutemo haunai kuitihwa vadorurama asi vomhunzva novapanduki, vasingache Mwari novatadzi, vasiri vatsvene novoutsambwa, vanopunza anababa novanopunza nanamai, vanobaya vanhu, 10 mhombo, ngochani, vanopamba vanhu, vanyepi, novaiti vozvimwewo zvinopikisana nodzidziso idonaka, 11 iri maererano novhangeri rokubhwinya raMwari adoropafadziwa, randidovimbiwa naro.

Kutenda Nondava Yotsitsi dzaMwari

12 Ndinomutenda iye adondipasa simba rozvakarezvi, Khirisitu Jesu Ishe wedu, ndava adoona ndidovimbika ndokundipasa basa rache, 13 kunyange zvazvene ndidothanga ndichishora Mwari nokumutambudza nokuita mungu, asi adondiitira tsitsi ndava ndidozviita mukusaziva nomukusatenda. 14 Asi mutsa dzaIshe wedu dzidoduruhwa pandiri pabodzi nokutenda norudo zviri muna Khirisitu Jesu. 15 Kunyaira ndokwochokwadi futi kunofanira kutambihwa, kwokuti Khirisitu Jesu adouya munyika kudzoponesa vatadzi. Inipano ndiri adokungudza wacho. 16 Asi ndidoitihwa tsitsi nondava yakarei, kuti mandiri iyeni mutadzi adokungudza, Jesu Khirisitu anangidze mwoyo murefu wache zvichiva muenzaniso kuno vaye vanodzotenda kwaari kuti vave noupenyu husingapere. 17 Kuna Mambo wonguwa dzese, asingapfe, asingaoneke, Mwari wega mubodzi, mbakuve nokuremekedzewa nokubhwinya nokusingaperepere. Ameni.

18 Timoti, mwanakomana wangu, ndinokutsindikira zvinoenderana nokunyaira kwozvidoporofitiwa pamusoro pako, kuti nokufemehwa nazvo uhwe hondo idonaka, 19 udobatirira kutenda nohana idonaka, zvinova zvidorambiwa novamwe, vachibva vambwedza kutenda kwavo. 20 Pakati pavo pana Haimenasi naArekizanda, vandidodzopereka kuna Sathani kuti vadzidze kuti Mwari haashorewe.

Veja também

Publicidade
1 Timóteo
Ver todos os capítulos de 1 Timóteo
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-22_10-02-25-