1 Saka, pakuthanga kwozvese ndinokurudzira kuti vanhu vese vakumbirihwe, vanamatihwe, vateterehwe, futi vatendehwe, 2 zviitihwewo madzimambo novese vari muutungamiri, kuti tigare upenyu hunorunyararo, hunoumwari pakare hudoremekedzeka mumitoo yese. 3 Zvakarezvi zvidonaka, futi zvinofadza Mwari Muponisi wedu, 4 iye anoda kuti vanhu vese vaponesewe futi kuti vasvike pakuziva chokwadi. 5 Ndava kuna Mwari mubodzi, futi kuno mumiririri mubodzi pakati paMwari novanhu, munhu Khirisitu Jesu, 6 iye adozvipa semuripo wokuripira vanhu vese, upfakazi hwozvakarezvi hudopiwa panguwa idokodzera. 7 Nondava yakarei ndidosaruriwa kuva muparidzi nonhumwa nomudzidzisi wovasiri vaJudha. Ndiri kunyaira chokwadi handibhwodoke.
8 Saka ndinoda kuti kunzvimbo dzese varume vanamate vadosumudza manja yavo matsvene, vasinai ukari kana kupikisana. 9 Futi vanhukadzi mbavasimire zvidotsiga, zvidoremekedzeka futi zvidokodzera, vasinai kurukhiwa misoro kana kusimira zvipfeko zvondarama kana chuma kana zvipfeko zvinodhura 10 asi kuva nounhu hudonaka, hudofanira kuitiwa novanhukadzi vanoti tinonamata Mwari. 11 Vanhukadzi mbavadzidze vadonyarara futi vachizvidukupisa. 12 Ndinobvumiraba kuti munhukadzi afundise kana kuti ave nosimba rinokunda romunhurume, munhukadzi mbaanyarare. 13 Ndava Adhamu adothanga kuumbiwa, ndokudzouyawo Evha. 14 Futi Adhamu haanai kufurihwa, asi munhukadzi adofurihwa achibva wava mutadzi. 15 Zvidodaipo munhukadzi achaponesewa nondava yokuzvara vana, kana akaramba ari mukutenda nomurudo nomuutsvene, nounhu hudodzikama.