Publicidade

1 Timóteo 5

Kuva Nohanya Novatendi

1 Reka kukaruza murume mukuru noukari, asi mukurudzire fanike zvaunoita baba vako, vochidiki vatore kunge vanin'ina vako, 2 vanhukadzi vakuru uvaite fanike anamai, vanhukadzi vadiki fanike hanzvadzi, zvakarezvi mbazviitiwe muutsvene hwese.

3 Remekedza vajiche chaivo vochokwadi. 4 Asi kana mujiche anovana novazukuru, mbavathange kudzidza basa rochinamato kumhuri yavo norokudzotsera zvidonaka zvavadoitihwa novabereki vavo, ndava zvakarezvi ndizvo zvinofadza Mwari. 5 Mujiche chaiye, adosiiwa wega, nguyo adoisa tariro yache muna Mwari anoramba achikumbira kwaari nokunamata masikati nousiku, 6 asi mujiche anozviisa pakuzvifadza adopfa kare achiri mupuma daipo. 7 Varaire uchitsikimidza, kuti vareke kunyadzisa. 8 Kana munhu asingariritire hama dzache, kunyanyitsa vomumhuri yache, wakareyo wabirika mukutenda zvidokungudzirafuti kukunda asingatende. 9 Mujiche mbaareke kuverengewa pabodzi novamwe vajiche kusiya kwokunge wava nomakore yasvika makumi matanhatu, mbaave uye wanga ari mukadzi womurume mubodzi, 10 futi mbaavewo anopfakazihwa zvidonaka, adoyarutsa vana vache zvidonaka, anotambira varendo mumba mache, anoshambidza tsoka dzovatsvene, anobatsira vanotambudzika, pakare anozvipira kuita zvidonaka zvese.

11 Asi ramba kuisa muchiverengo vajiche vadiki, ndava kana vakundikana kugara vari vajiche vanodzoda kuroorewa, votadza kudzozvipira kuna Khirisitu, 12 saka vanodzopasiwa mhosva yokuchora chivimbiso chavo chokuthanga. 13 Pamusoro pozvakarezvo, vanodzidza kundogara, vopedza nguwa vachikanza mudzimba, havaperere kundogara basi asi vaiti vomakuhwa vachinyaira zvavasingafanire. 14 Saka ndinototi vajiche vadiki mbavaroorewe, vaite vana, vochengeta dzimba dzavo, kuti varege kupasa muvengi mukana wokunyaira zvidoipa pamusoro pedu. 15 Ndava vamwe vajiche vadototaika kare vachitevera Sathani. 16 Asi kana pano mukadzi mutendi anohama vajiche mbaavabatsire, kuti kherekhe ireke kupasiwa mutoro, kuti kherekhe ibatsire vajiche chaivo.

17 Vakuru vanotungamirira zvidonaka mbavapasiwe chiremera chidopetewa, kunyanyitsa vaye vanoita basa rokuparidza nokufundisa. 18 Ndava rugwaro rinoti, "Reka kusunga muromo wodhonza rinopura gorosi," futi "Mushandi adokodzehwa nomuripo wache." 19 Reka kutetekera kupomehwa kunoitiwa mukuru kusiya kwokunge paita upfakazi hwovairi kana vatatu. 20 Vaye vanombondotadza, vadzume pamberi povese, kuti vamwe vagare vachicha. 21 Ndinokutsindikira pamberi paMwari nopamberi paJesu Khirisitu nopongirozi dzitsvene kuti uteerere kuraira kwakareku usingaite zvotsvete kumunhu. 22 Reka kukurumidza kubata munhu pamusoro, kana kuva nochikamu pazvitadzo zvovamwe vanhu, zvichengete uri mutsvene.

23 Chireka kundomwa mvura basi, asi imwawo tuwaini tushoma kuti zvikubatsire mudumbu mako munombondokusvota.

24 Zvitadzo zvovamwe zvinooneka pachenu, futi zvinovakwevera kotongewa, asi zvitadzo zvovamwewo zvinodzooneka panguwa yopamberi. 25 Nzvibodzibodziwo nozviito zvidonaka zvinooneka pachenu, futi noizvo zvisinganatse kuoneka pachenu hazvirambe zvidosvisvika.

Veja também

Publicidade
1 Timóteo
Ver todos os capítulos de 1 Timóteo
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-18_14-04-22-