Publicidade

2 Tessalonicenses 3

Tinamatirei

1 Hama pakupedzisira, tinamatireiwo, kuti shoko raIshe rikurumidze kupararira futi riremekedzewe, fanike zvaridoita pakati penyu, 2 kuti tihwihwe kubva kuvanhu vadoipa novanyangadzi, ndava havasi vese vanokutenda.

3 Asi Ishe adotendeka, achakusimbisai, nokukuchengetedzai kubva kuno adoipa. 4 Futi tinovimba kuti muna Ishe, kuti muri kuita futi muchaita zvinhu zvatinokurairai.

5 Futi dai Ishe watungamira mwoyo yenyu kurudo raMwari, nomukutsungirira kwaKhirisitu.

Chinangwa Chokushanda

6 Hama zvino tinokurairai, muzita raIshe wedu Jesu Khirisitu, kuti muzviparadzanise kubva kuhama yese inogara ichiita zvonungo zvinopesana notsika dzamudotambira kubva kwatiri. 7 Ndava vakaremi munoziva kuti munofanira kutiteedzera tini; tanga tisinai kundogara patanga tina imimi, 8 hatinai kuphonyedza munhu tichija tisingamubhadhare, asi mukutambura tidoita basa tichishanda masikati nousiku, kuti tirekere kuva nomunhu watinochokwesa pakati penyu. 9 hazvireve kuti hatinai kufanihwa nokodzero yakareyo, asi kuti mukujidzana kwedu tikupasei muenzaniso wokuteedzera. 10 Ndava nopatanga tinaimimi, tidokurairai zvakarezvi, "Kana pano asingadi kushanda, mbaareke kuja."

11 Ndava tiri kunzva kuti vamwe venyu vadondogara, vanondopambara, vasingaite basa. 12 Manje tinoraira vanhu vakarevo nokuvakurudzira muna Ishe Jesu Khirisitu kuti vaite basa ravo vadonyarara vachizviwanira zvinovachidza.

13 Asi hama, regai kuva nomakhato pakuita zvidonaka. 14 Kana mumwe munhu akaramba kuteerera zvatiri kunyaira mutsamba rakarei, ongororai munhu wakareyo, kuti murege kufambidzana naye, kuti anyare. 15 Regai kumutora fanike muvengi, asi murairei sehama.

Mazvi Yokupedzisira

16 Zvino Ishe worunyararo pachake mbaakupasei runyararo nguwa dzese nomutoo wese. Ishe mbaave naimimi mese.

17 Inipano, Phauro, ndanyora nojanja rangu ndichikumoresai. Kwakareku ndiko kuzikana kwomatsamba yangu yese. Ndiyo manyorero yangu.

18 Mutsa waIshe wedu Jesu Khirisitu mbauve naimimi mese.

Veja também

Publicidade
2 Tessalonicenses
Ver todos os capítulos de 2 Tessalonicenses
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-16_18-40-07-