1 Hama dzangu tiri kukukumbiritsai, pamusoro pokuuya kwaIshe wedu Jesu Khirisitu nokuungana kwedu kuti tisangane naye, 2 kuti mureke kukurumidza kugwetedzeka mupfungwa kana kushamisika, pangave pamusaka pomweya kana poshoko, kana potsamba ringanzi rinobva kwatiri, richiti zuva raIshe rauya. 3 Mbakureke kuva noanokufurirai nonzira dzomabhwodo, ndava zuva rakarero rinouyaba, kusvikira kupandukira kwathanga kuitika, nomunhu anochora mutemo waonesewa pachenu, iye adotemehwa kuparadziwa, 4 anoshora nokuzvitutumadza pamusoro pozvese zvinoitiwa mwari kana zvinonamatiwa, zvokuti anotoisa mupando wache muimba yaMwari, achizviti ndiye Mwari.
5 Hamuchayeuka chere kuti pandanga ndichinaimimi imimi ndidokunyepai zvakarezvi? 6 Futi munoziva chiri kumutadzisa ipopa kuti areke kuoneka pachenu panguwa yache. 7 Nokuti chidohwanda chokuramba kuchengeta mutemo chatova pabasa, kundoti anorambidza achambondorambidza basi kusvikira wadzobiritsiwa panzira. 8 Futi ipopo munhu asinai mutemo achabiritsiwa pachenu, iye achabaiwa naIshe Jesu nokufema kwomuromo wache nokumuparadza nokuoneka kwache uye nokuuya kwache. 9 Kuuya kwoasinai mutemo zvichiitiwa naSathani kuchava nosimba rese rino zviratidzo nozvishamiso zvomabwodo, 10 nokufurira kwese kudonyangara kunovese vokuparadziwa, ndava vadoramba kuda chokwadi kuti vaponesewe. 11 Nondava yakareyo Mwari anovatumira kufuririka kudokungudza, kunovaita kuti vetende mabhwodo. 12 Kuti vese vasinai kutenda chokwadi asi vadofarira zvisinai kururama vapasiwe mhosva.
13 Manje hama dzinodiwa muna Ishe tinosukumidziwa kumbondotenda Mwari nopamusaka penyu, ndava Mwari adokusarudzai kubva pakuthanga kuti muponesewe, kuburikidza nokunatsiwa noMweya nokutenda chokwadi. 14 Adokudaidzai kuno zvakarezvi kuburikidza novhangeri redu, kuti muve nokubhwinya kwaIshe wedu Jesu Khirisitu. 15 Saka manje, hama mirai mudosimba, muchengetedze tsika dzatidokufundisai, kungave kufundisiwa noshoko, kana notsamba redu.
16 Kuburikidza nomutsa Ishe wedu Jesu Khirisitu pachake, naMwari Baba wedu, adotida ndokutipasa kunyaradziwa kusingapere notariro idonaka, 17 mbaakurudzire mwoyo yenyu nokuimisikidza muzviito zvese zvidonaka nomushoko.