1 Phauro, Sirivhanasi naTimoti,
kuKherekhe yokuThesaronika iri muna Mwari Baba wedu naIshe Jesu Khirisitu:
2 Mutsa norunyararo zvinobva kuna Mwari Baba naIshe Jesu Khirisitu mbazvive kwamuri.
3 Hama, tinofanira kutenda Mwari nguwa dzese nokuda kwenyu, sezvazvidokodzera, ndava kutenda kwenyu kuri kunyanya kukura, norudo pakati penyu ruri kuingidzika. 4 Ndosaka isisu pachedu tichizvirumbidza pamusaka penyu kukherekhe dzaMwari nokuda kwokutsungirira futi nokutenda kwenyu pakutambudziwa kwese nokuedzewa kwamuri kuchiirira makuri.
5 Ihwohwu ndihwo upfakazi hwokutonga kwaMwari kudorurama, kuti muitiwe vadokodzera kuva voumambo hwaMwari, hwamuri kutamburira. 6 Mwari adorurama, achatsiva avo vanokutambudzai, 7 nokupasa rugare kwamuri vari kutambudziwa pabodzi naisisu, izvi zvichaitika panodzoonesewa Ishe Jesu pachena achibva kudenga pabodzi nongirozi dzache dzinomasimba yadonyanya, 8 achatsiidza achiranga zvinodzimba vaye vasinai kuziva Mwari novaye vasinai kuteerera vhangeri raIshe wedu Jesu. 9 Vachatambudzika pakurangiwa kwokuparadziwa kusingapere nopakuvharihwa kunze kubva pamberi paIshe nopakubhwinya kwosimba rache, 10 paachauya zuva rakarero kuti apasiwe kubhwinya muvatsvene vache, nokukanukiwa pakati povese vadotenda, ndava kupfakaza kwedu kwamuri kudotendewa.
11 Nokuda kwozvakarezvi tinoramba tichikunamatirai, kuti Mwari wedu akuitei vadokodzera kudaidza kwache, futi kuti nosimba rache azazise chido chenyu chokuita zvidonaka nobasa rokutenda, 12 kuti zita raIshe wedu Jesu rikudziwe mamuri, naimimi muri maari, zvichienderana nomutsa waMwari wedu naIshe Jesu Khirisitu.