Publicidade

1 Tessalonicenses 5

Gadzirirai Kuuya kwaIshe

1 Zvino hama, pamusoro ponguwa nomwaka, hapanai chinhu chamungade kuti munyorehwe. 2 Nokuti imimi pachenyu munonatsa kuziva kuti zuva raIshe richauya kunge mbavha usiku. 3 Vanhu pavanoti, "Kuno runyararo nokudekharika," pakarepo kuparadziwa ndopakunouya pavari chivhurumukihwa kunge kudzimbiwa kwomukadzi waakuda kupona, futi panenge pasinai kupukunyuka. 4 Asi hama, hamuzi murima, kuti zuva rakarero rikushamisei kunge mbavha, 5 nokuti mese muri vanakomana vochiedza futi vanakomana vomasikati. Hatisi vousiku kana vorima. 6 Saka mbatirekei kuenzera, fanike zvinoitiwa novamwe, asi mbatirambei tidopenya futi tidobanganuka. 7 Ndava vaye vanoenzera, vanoenzera usiku, novaye vanokorewa, vanokorewa usiku. 8 Asi, zvatiri vomasikati, mbatipepukei, tipfeke chivharidziro chopachipfuwa chokutenda norudo, futi mbative nongundu youtare yotariro yoruponiso. 9 Nokuti Mwari haanai kutitemera ukari, asi kutiwanisa ruponiso kuburikidza naIshe wedu Jesu Khirisitu, 10 iye adotipfira kuti kunyange tichirarama kana kupfa tive vanogara maari. 11 Naizvozvo kurudziranai nokuvakhana, sezvamuri kundoita.

Kuraira kwoKupedzisira noKumoresana

12 Asi tinokukumbiritsai, hama, kuti muremekedze vaye vari kushanda pakati penyu ivo vari pamusoro penyu muna Ishe vanokurairai, 13 nokuvaremekedza zvidonyanya murudo nokuda kwobasa ravo. Ivai norunyararo pakati penyu.

14 Futi tinokukurudzirai, hama, dzumai vanonungo, kurudzirai vanoita chinepfu, batsirai vadoneta, itirai vese mwoyo murefu. 15 Onai kuti hapanai wenyu anotsiva chidoipa nochidoipa, asi nguwa dzese tsvagai kuitirana zvidonaka nokunovese.

16 Farai nguwa dzese, 17 rambai muchinamata, 18 pasai kutenda mumamiriro yese yozvinhu, nokuti kwakareku ndiko kuda kwaMwari pamusoro penyu muna Khirisitu Jesu.

19 Regai kudzimwa Mweya, 20 regai kushora kuporofita, 21 asi edzai zvinhu zvese, batitsitsai zvidonaka, 22 rambai mishoo yese yozvidoipa.

23 Dai Mwari worunyararo pachake wakuitai vatsvene zvidozara, futi dai mweya wenyu nomwoyo nomuviri zvachengetewa zviri njinjinji pasinai chinoshoreka panouya Ishe wedu Jesu Khirisitu. 24 Iye anokudaidzai adovimbika, futi achazviita.

25 Hama, tinamatireiwo.

26 Moresai hama dzese nokutsvodana kutsvene.

27 Ndinokurairai naIshe kuti tsamba yakarei iverengewe kuhama dzese.

28 Mutsa waIshe wedu Jesu Khirisitu mbauve naimimi.

Veja também

Publicidade
1 Tessalonicenses
Ver todos os capítulos de 1 Tessalonicenses
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-16_06-50-08-