Publicidade

1 Tessalonicenses 4

Upenyu Hunofadza Mwari

1 Pakupedzisira, hama, tinokumbiritsa nokukutetererai muna Ishe Jesu, kuti sezvamudodzidza kwatiri magariro yamunofanira kuita nokufadza Mwari, sezvamuri kundoita, nyanyitsai kuita zvakarezvo. 2 Nokuti munoziva kuti kuraira kwatidokupasai pamusoro paIshe Jesu nghupi. 3 Nokuti ikoku ndiko kuda kwaMwari, kuva kwenyu noutsvene, kuti mutsemberefuti upombwe, 4 kuti umwe noumwe adzidze kuzvibata panyama yache muutsvene futi zvinoremekedzeka, 5 aikona mukubatiwa nokuchiva kunge vadotaika vasingazive Mwari, 6 kuti pareke kuva noanotadzira hama yache pachinhu chakarechi kana kuita dzawira mutsvanda kuhama kana hanzvadzi. Ndava Ishe ndiye mutsiidzi pazvinhu zvese zvakarezvi, sezvatidogara takuchenjedzai zvidosimba. 7 Nokuti Mwari haanai kutidaidzira kuutsambwa, asi kuupenyu hutsvene. 8 Naizvozvo wese anoshora zvakarezvi, anoshoraba munhu asi Mwari, anopasa Mweya Mutsvene wache kwamuri.

9 Zvino pamusoro pokuda hama hapanai wamungade kuti akunyorerei, ndava imimi pachenyu mudodzidzisiwa naMwari kuti mudanane, 10 futi ndizvozvo chaizvo munoda hama dzese kuMakedhoniya kwese. Asi hama tinokukurudzirai, kuti muite daipo muchitoingidzira pakare, 11 kuti mude kugara mudodekhara, muchifunga pamusoro pozvinhu zvenyu mega basi, nokushanda nomanja yenyu, sezvatidokurairai. 12 Kuti pakurarama kwenyu muzvitorere kuremekedzewa novokunze, futi musingavimbe noumwe munhu.

Kuuya kwaIshe

13 Asi hama, tinodaba kuti musaye nzeru pamusoro povaye vadopfa, kuti mureke kuita maririro yanenge yovamwe vasinai tariro. 14 Nokuti tinotenda kuti Jesu adopfa ndokumuka pakamu, ndomwenzewo kamu, kuburikidza naJesu, Mwari achaunza vadopfa maari pabodzi naye.

15 Nokuti tinokunyepai zvakarezvi noshoko raIshe, kuti isisu vapuma, vadosara kusvikira pakuuya kwaIshe, hatithangire vaye vadopfa. 16 Nokuti Ishe pachake achaburuka kubva kudenga achidaidzira nokuraira, nokusheedzera kwongirozi ikuru, nokurira kwotsuri yaMwari. Ipopo vadopfa muna Khirisitu vachathanga kumuka, 17 zvino isisu tidosara tiri vapuma, tichabvutiwa pabodzi navo kupinda mumakuti kuti tikumane naIshe mumhepo. Saka tichava naIshe nguwa dzese. 18 Naizvozvo nyaradzanai nomashoko yakareya.

Veja também

Publicidade
1 Tessalonicenses
Ver todos os capítulos de 1 Tessalonicenses
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-15_21-32-39-