1 Nokuti imimi hama pachenyu munozviziva, kuti kuuya kwedu kwamuri kwanga kusiri kundouyawo kusina basa. 2 Asi kunyange tidotambudzika kare nokubatiwa uyanga muFiripi, sezvamunoziva, tidova nokutsungirira muna Mwari wedu kukuudzai vhangeri yaMwari tidonangarana nokupikisiwa kukuru. 3 Nokuti kukumbira kwatinoita hakubve pakutaika kana pautsambwa kana kubva pauchenjeri hokubiridzira. 4 Asi sezvatidotendehwa naMwari kuvimbiwa novhangeri, saka tinonyaira, aikona kuti tifadze vanhu, asi Mwari anoongorora mwoyo yedu. 5 Nokuti hatinai kushandisa kunyaira kwodzvene kana kuvharidzira nhafu, sezvamunoziva, Mwari ndiye pfakazi yedu, 6 kana kuti tidombotsvaga kupembedzewa novanhu, kungave kubva kwamuri kana kubva kunovamwewo, 7 kunyange tingave tidoraira senhumwa dzaKhirisitu. Asi tanga tiri vanyoro pakati penyu, kunge amai vanorera vana vavo. 8 Saka tidoita hanya naimimi, ndava tidokuditsai. Tidofarira kukovana nemi, aikona vhangeri raMwari chete asi noupenyu hwedu pakare nokuti matova vadikani kwatiri. 9 Chokwadi hama munoyeuka kushanda kwedu tidoshanda masikati nousiku kuti tireke kuremedza umwe wenyu, pataiparidza kwamuri vhangeri raMwari.
10 Imimi muri pfakazi, naMwari pakare, kuti utsvene hwai nokururama nokusaya chipomehwa kwanga kuri paunhu hwedu kwamuri vatendi. 11 Ndava munoziva kuti sababa novana vavo, 12 tidonyaradza umwe noumwe wenyu nokukukurudzirai nokukushingisai kuti murarame upenyu hudokodzera pamberi paMwari, anokudaidzirai kuumambo hwache nokubhwinya.
13 Futi tinoramba tichitenda Mwari nondava yokuti pamudotambira shoko raMwari ramudonzva kwatiri, mudoribvuma aikona kunge shoko rovanhu asi sezvariri chaizvo, kuti ndaMwari, rinotova pabasa mamuri vanotenda. 14 Nokuti imimi, hama, mudova vateedzeri vomakherekhe yaMwari yomuJudhiya yari muna Khirisitu Jesu. Mudotambudziwa novanhu venyu pazvinhu zvibodzizvo zvidotambudza makherekhe zvichiitiwa nomaJudha 15 vanova ndivo vadobaya Ishe Jesu novaporofiti, nokutibiritsa kunze. Futi vanofadzaba Mwari pakare vanotsvatsvana novanhu vese 16 pakutitadzisa kutaura kumamwe marudzi kuti vaponesewe. Pamaitiro yakareya vanozazisa chiyero chozvitadzo zvavo. Asi manje pakupedzisira ukari hwaMwari hwadzouya pamusoro pavo!
17 Asi hama dzangu, zvatidopararanisiwa naimimi, kwokanguwa kapfupi, pamutumbi aikona pamwoyo, tinoedza zvidokungudza nochido chikuru kuti tionane naimimi chiso nochiso; 18 ndava taida kuuya kwamuri inipano, Phauro, kadowanditsako, asi Sathani adotivharidzira. 19 Nokuti tariro yedu njipi kana mufaro kana korona yokuzvirumbidza pamberi paIshe wedu Jesu paanouya? Handiti ndimi? 20 Nokuti ndimi kukudziwa kwedu nomufaro wedu.