Publicidade

1 Tessalonicenses 3

1 Naizvozvo patidotadza kutsungirira pazviri, tidoda kusiiwa tega paAtene, 2 futi tidotuma Timoti, hama yedu nomuranda waMwari muvhangeri raKhirisitu, kuti akusimbisei nokukukurudzirai mukutenda kwenyu, 3 kuti pareke kuva noanozunguziwa nomatambudziko yakareya. Imipa pachenyu munoziva kuti tidotemehwa zvakarezvi. 4 Nokuti pataiva naimimi, tidogara takunyepai kuti taidzodzimbiwa nomatambudziko, fanike zvidodzoitika, futi sezvamunoziva. 5 Nochikonzero chakarechi, pandanga ndichakonaba kushingirira, ndidomutuma kuti ndizive kutenda kwenyu, nokuti ndaichira kuti dzimwe nguwa muedzi adokuedzai ndokukonzera basa redu kuti rive pasina.

6 Asi zvino Timoti paadouya achibva kwamuri, adotiunzira nhau dzidonaka dzokutenda kwenyu norudo futi adotiudza kuti munombondotifunga uye muchisuva kutiona, sezvatinosuvawo kukuonai. 7 Nochikonzero chakarechi, hama, pakushushikana kwedu kwese nokutambudzika tanga tichinyaradziwa pamusoro penyu kuburikidza nokutenda kwenyu, 8 nokuti zvino tinorarama, kana mukamira mudosimba muna Ishe. 9 Tingatende tini Mwari zvidokwana nondava yenyu nokuda kwomufaro watinawo pamberi pache pamusaka penyu? 10 Tinonamata zvidoperera masikati nousiku kuti tikuonei pakare nokukupasai zviri kusaika mukutenda kwenyu.

11 Zvino dai Mwari wedu ivo Baba pachavo, naIshe wedu Jesu, watungamirira nzira yedu kwamuri. 12 Dai Ishe waita kuti rudo renyu rikukumuke nokupfachukira pakati penyu nokuvanhu vese, kunge zvatinoita kwamuri. 13 Dai Ishe wasimbisa mwoyo yenyu kuti musaye chamunonenehwa muri vatsvene pamberi paMwari naBaba vedu, pakuuya kwaIshe wedu Jesu novatsvene vache vese.

Veja também

Publicidade
1 Tessalonicenses
Ver todos os capítulos de 1 Tessalonicenses
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-16_06-50-08-