1 Phauro, naSirivhanasi, naTimoti.
Kukherekhe yovaThesaronika, muna Mwari Baba naIshe Jesu Khirisitu.
Mutsa norugare mbazvive kwamuri.
2 Tinopasa kutenda kuna Mwari nguwa dzese nokuda kwenyu mese, patinombondotaura pamusoro penyu muminamato yedu, 3 patinorangarira pamberi paMwari Baba vedu, basa renyu rokutenda nokushanda kworudo nokutsungirira kwotariro muna Ishe wedu Jesu Khirisitu. 4 Hama dzinodiwa naMwari tinoziva, kuti adokusarudzai, 5 nokuti vhangeri redu harinai kuuya kwamuri mumashoko basi, asi mumasimba nomuMweya Mutsvene pakare nokuuyisa kugutsikana kuzere. Munoziva kuti tanga tiri vanhu vadoita tini pataiva pakati penyu tichizviitira imimi. 6 Futi mudova vateedzeri vedu novaIshe, nondava yokuti mudotambira shoko mukutambudzika kukuru, muno mufaro udofemehwa naMweya Mutsvene, 7 zvokutoti mudova muenzaniso kuvatendi vese vomuMasedhoniya nomuAkaya. 8 Nokuti shoko raIshe harinai kundonzvika kubva kwamuri richienda kuMakedhoniya nokuAkaya basi, asi kutenda kwenyu muna Mwari kudoenda kwese kwese, zvokutoti panodiwaba kuti tinyaire chinhu. 9 Nokuti ivo pachavo vanonyaira pamusoro pomatambiriro yamudotiita, nomapindukiro yamudoita kuna Mwari muchibva kuzvifananidzo, kuti mushumire Mwari mupenyu nowochokwadi, 10 futi kuti mumirire Mwanakomana wache kubva kudenga, waadomutsa kubva kuvadopfa, iye Jesu anotidzikinura kubva kuukari hunouya.