1 Anatenzi, batai varanda venyu zvabhwino uye zvidofanira, muchiziva kuti naimimiwo muna Tenzi ari kudenga.
2 Rambai muchishingirira pakunamata, muchigara pakuri nokutenda, 3 uye mutinamatirewo isisu kuti Mwari atipase mukana woshoko, kuti tizivise chidosvisvika chaKhirisitu, chinova chandidosungihwa, 4 kuti ndichiise pachenu sezvandinofanira.
5 Zvichenjererei pamugariro wenyu novasingatende, shandisai mukana wenyu zvidochenjera. 6 Kunyaira kwenyu mbakuve nomutsa nguwa dzese, kunobuya kuitira kuti muzive kuti munofanira kupindura tini umwe noumwe.
7 Tikikasi achakunyepai pamusoro pozvese zviri kuitika kwandiri, iye ihama yatinoda uye mushumiri adotendeka nomuranda pabodzi nainipano muna Ishe. 8 Ndamutuma kwamuri nochinangwa chakarechi, chokuti muzive kuti tiri tini, uye kuti akurudzire mwoyo yenyu, 9 pabodzi naOnesimosi, hama idotendeka inodiwa, anova umwe wenyu. Ivo vachakunyepai zvese zviri kuitika kwakarekuno.
10 Arisitakasi musungwa biyangu anokumoresai, naMariko hama yaBhanabhasi wamudonyepewa pamusoro pache, kana wauya kwamuri mutambirei, 11 naJesu anodaidziwa kuti Jusito. Vakareva ndivo basi varume vochiJudha pakati povashandi biyangu voumambo hwaMwari, ivo vanondinyaradza.
12 Epafurasi, anova mabiyenyu, muranda waKhirisitu Jesu, anokumoresai, anoramba achikuyeukai chaizvo nguwa dzese muminyengetero yache, kuti mumire mudosimba muchiziva chaizvo kuda kwaMwari. 13 Nokuti ndinopfakaza kuti adoshanda nosimba nokuda kwenyu novari muRaodhisiya nomuHiraporisi. 14 Ruka chiremba anodiwa naDhimasi vanokumoresai.
15 Ndimoresereiwo hama dziri paRaodhisiya, naNimufa nokherekhe iri mumba mache. 16 Futi kana tsamba rakareri raverengewa pakati penyu, mbariverengewewo pakamu mukherekhe yopaRaodhisiya, uye onai kuti maverengawo tsamba rinobva kuRaodhisiya. 17 Nyepai Akipasi muchiti, "Ona kuti wazazisa ushumiri hwaudopasiwa naIshe nokuhupedzisa." 18 Inipano, Phauro ndanyora nojanja rangu kumoresa kwakareku. Yeukai kusungiwa kwangu. Mutsa mbauve nemi.