Publicidade

Colossenses 2

1 Nokuti ndinoda kuti muzive kuti ndinokutamburirai zvikuru sei, uye noavo vari kuRaodhisiya, novese vasati vandiona, 2 kuti mwoyo yavo ikurudzihwe uye vabatanidziwe murudo, vave nopfuma yese yokunzvitsitsa nokuziva chidosvisvika chaMwari, anova Khirisitu. 3 Maari ndimo mudovikhiwa pfuma yese yokuchenjera noruzivo.

4 Ndinonyaira zvakarezvi kuti pareke kuva nomunhu anokufurirai nomashoko yomabhwodo. 5 Nokuti kana zvazvene ndisipo nomuviri, asi ndiripo pabodzi naimipa pamweya, ndinofara kuona kunzvanana kwenyu nokusimba kwokutenda kwenyu muna Khirisitu.

Kuzara kwoUpenyu muna Khirisitu

6 Naizvozvo sezvamudogamuchira Khirisitu Jesu saIshe, nokudaro raramai maari, 7 muno midzi yenyu nokuvakiwa maari uye nokusimbisiwa pakutenda, sezvamudodzidzisiwa, muchinyanya kutenda.

8 Onai kuti hapanai munhu anokufurirai nouchenjeri uye nomashoko yanokunyengedza kusinai nomaturo yese, achitevera tsika dzovanhu, maererano nozvomavambo yomweya yonyika ino zvisiri zvaKhirisitu. 9 Nokuti maari kuzara kwese kwoumwari kunogara mumuviri, 10 uye imimi mudouyisiwa kukuzara kwoupenyu maari, iye musoro woutongi hwese nomasimba.

11 Maari pakare mudochecheudziwa nokuchecheudziwa kusinai kuitiwa nomanja, kwokubiritsiwa kwonyama yomuviri kuri kuchecheudziwa kunoitiwa naKhirisitu, 12 uye mudovigiwa pabodzi naye muruombeko, mamudomutsiwawo pabodzi naye kuburikidza nokutenda kwenyu musimba raMwari, adomumutsa kubva kuvadopfa. 13 Manje imimi, manga mudopfa mukutadza kwenyu nopakusaya kuchecheudziwa kwomiviri yenyu, Mwari adokuitai vapenyu pabodzi naKhirisitu. Adotirekerera kutadza kwedu kwese, 14 adodzima gwaro ranga richitihwisa pazvirevo zvarene zvaidiwa nomutemo, zvakarezvi adoribiritsa ndokuriisa parutivi, achirirovera pamuchinjikwa. 15 Adotorera zvombo vatongi novanomasimba achivanyadzisa pachena, achivakunda kuburikidza nomuchinjikwa.

16 Nokudaro mbakureke kuva nomunhu anokupasai mhosva pamusoro pozvokuja kana zvokumwa kana nokuda kwomutambo kana mutambo wokugara kwomwedzi kana wosabata. 17 Zvakarezvi mumvuri basi wozvichauya, asi chokwadi ndiKhirisitu. 18 Mbapareke kuva noanokutorerai kodzero yenyu, achikusukumidzirai kuzvininipisa kwomabhwodo nokunamata ngirozi, achitsamira panozvaadoona, achizvikudza zvisinai nomaturo yese kuri kufunga kwovanhu, 19 adotayana noMusoro, nokuti kubva pauri muviri wese unosimbisiwa nokubatanidziwa pabodzi nomapfundo yawene nomidzira, ndokukura nokukurisiwa kunobva kuna Mwari.

Kupfa Nokurarama naKhirisitu

20 Manje kana mudopfa naKhirisitu kuzvinhu zvokuthanga zvomweya zvonyika, ndava yei muchirarama kunge muchiri vomunyika? Munozviisireiko pasi pomitemo, 21 "Reka kubata, reka kuraidza, reka kugwama?" 22 Zvinhu zvakarezvi zvese zvinoparara pazvinoshandisiwa, ndava mirairo nodzidziso dzovanhu. 23 Mitemo yakarei idoita kunge inouchenjeri pakuoneka kwayene pakunamata kwomabhwodo nokuzvidukupisa nokutambudza muviri, asi hazvinai simba rokukunda kuchiva kwonyama.

Veja também

Publicidade
Colossenses
Ver todos os capítulos de Colossenses
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-15_21-32-39-