Publicidade

Colossenses 3

1 Zvino kana mudomutsiwa pabodzi naKhirisitu, tsvagai zvinhu zviri kumusoro, kuna Khirisitu, adogarikika kujanja roruji raMwari. 2 Fungai zviri kumusoro, aikona kuzvinhu zviri panyika. 3 Nokuti mudopfa, uye upenyu hwenyu hudovikhiwa pabodzi naKhirisitu muna Mwari. 4 Kana Khirisitu iye anova upenyu hwedu paachaoneka, pakarepo naimimiwo muchaoneka pabodzi naye mukubhwinya.

Upenyu hwoKare noHutsva

5 Naizvozvo bayai zvinhu zvomunyika zviri mamuri zvinoti: upombwe, notsambwa, nokuchiva, nokuda zvidoipa, nonhafu ndiko kunamata zvifananidzo. 6 Nokuda kwozvakarezvi ukari hwaMwari huri kuuya. 7 Zvinhu izvozvi imimi maimbofamba mazviri kare, pamairarama mazviri.

8 Asi manje biritsai zvese zvinoti: ukari, kugumbuka, kuzonda, kutukana, nokutaura zvidofumuka nomuromo wenyu. 9 Rekai kubhwodokerana, nokuti mudobiritsa unhu hwokare nomabasa yahwene, 10 mudosimira munhu mutsva, ari kuvandudziwa pakuziva, kuti afanane noMusiki wache. 11 Pano hapachinai muGiriki nomuJudha, adochecheudziwa noasinai kuchecheudziwa, mutohwa kana nyamungu, muranda kana adosununguka, asi Khirisitu ndiye zvese, uye ari munovese.

12 Nokudaro sevanhu vadosarudziwa naMwari, vatsvene novanodiwa, simirai mwoyo unotsitsi, unyoro, kuzvideredza, kupfava nomwoyo murefu, 13 muitirane mwoyo murefu, muchiregererana kana umwe watadzira umwe, sekuregerehwa kwamudoitiwa naIshe, naizvozvo munofanira kuregerera. 14 Uye pamusoro pozvakarezvi zvese simirai rudo, rinova iro rinobatanidza zvese pabodzi mukubatana kudokwana. 15 Motendera rugare raKhirisitu kuti ritonge mumwoyo yenyu nokuti ndizvo zvamudodaidzihwa mumuviri mubodzi. Uye pasai kutenda. 16 Shoko raKhirisitu mbarigare mukati menyu noupfumi hwarene hwese, dzidzisanai nokurairana nouchenjeri hwese, uye nomapisarema nozvimbo zvomweya imbirai Mwari nokutenda mumwoyo yenyu. 17 Uye zvese zvamunoita, kana zviri zvoshoko kana basa, itai zvese muzita raIshe Jesu, muchitenda Mwari Baba kuburikidza naye.

Ukama muUpenyu Hutsva

18 Vakadzi, zviisei pasi povarume venyu sezvinofanira muna Ishe.

19 Varume, idai vakadzi venyu, rekai kuvaitira ukari.

20 Vana, teererai vabereki venyu muzvinhu zvese nokuti ndizvo zvinofadza Ishe.

21 Madzibaba, rekai kugumbura vana venyu, kuitira kuti vareke kuwodzewa mwoyo.

22 Varanda, teererai atenzi venyu vopanyika pazvinhu zvese, rekai kundoshanda chete pamunenge muchionewa kunge vafadzi vovanhu, asi zviitei nomwoyo udorurama, muchicha Ishe. 23 Zvese zvamunoita shandai nomwoyo wese, semuri kushandira Ishe musingaitire vanhu, 24 muchiziva kuti kubva kunaIshe muchapasiwa mubairo wonhaka ndava ndiIshe Khirisitu wamuri kushandira. 25 Nokuti anoita zvidoipa achapasiwa zvidoipa zvaadoita, uye hapanai rusaruro.

Veja também

Publicidade
Colossenses
Ver todos os capítulos de Colossenses
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-15_21-32-39-