Publicidade

Colossenses 1

1 Phauro, Nhumwa yaKhirisitu Jesu nokuda kwaMwari, naTimoti hama yedu.

2 Kuvatsvene nohama dzidotendeka muna Khirisitu vari paKorose.

Mutsa norunyararo zvinobva kunaMwari Baba vedu mbazvive kwamuri.

Munamato woKutenda

3 Tinotenda Mwari nguwa dzese, ivo Baba vaIshe wedu Jesu Khirisitu, patinokunamatirai, 4 nokuti tidonzva zvokutenda kwenyu muna Khirisitu Jesu uye norudo ramunaro kuvatsvene vese, 5 nokuda kwotariro yamudochengetehwa kudenga. Iyo yamudonzva kare mushoko rochokwadi, rovhangeri, 6 ridouya kwamuri. Fanike zvaridoitawo munyika yese. Kubva pazuva ramudonzva nokunzvitsitsa mutsa waMwari muchokwadi, vhangeri riri kubereka zvibereko richipararira pakati penyu. 7 Sezvamudodzidza kubva kuna Epafurasi muranda anodikana pabodzi naisisu. Iye mushumiri adotendeka waKhirisitu adotimiririra 8 uye iye adotiudza zvorudo renyu muMweya.

9 Saka naisisuwo kubva pazuva ratidonzva nozvenyu, hatinai kumira kukunamatirai, tichikumbira kuti muzaziwe nokuziva maninge kuda kwache pakuchenjera kwese kwopamweya nokunzvitsitsa, 10 kuti murarame sezvinodiwa naIshe, muchimufadza panozvese, muchibereka zvibereko mubasa rese ridonaka nokuingidzika mukuziva Mwari. 11 Simbisiwai nosimba rese, maererano nosimba rokubhwinya kwache, nokuda kwokutsungirira kwese nomwoyo murefu, mova nomufaro, 12 muchipasa kutenda kuna Baba, adokuitai kuti muve vadokodzera kukovehwa nhaka yovatsvene muchiedza choumambo. 13 Iye adotisunungura kubva pamasimba yorima ndokutiisa muumambo hwoMwanakomana wache waanoda. 14 maari tinorudzikinuro, iko kurekerehwa zvitema.

Khirisitu noBasa Rache

15 Khirisitu ndiye mufananidzo waMwari asingaoneke, ndiye dangwe rozvisikwa zvese, 16 nokuti maari zvinhu zvese zvidosikiwa, zviri kudenga nozviri panyika, zvinooneka nozvisingaoneke, zvingave mipando youshe kana ushe kana vatongi kana vanomasimba. Zvinhu zvese zvidosikiwa kuburikidza naye uye zvidosikihwa iye. 17 Ndiye anothangira zvinhu zvese, uye maari zvinhu zvese zvidobatana pabodzi. 18 Iye ndiye musoro womuviri, ndiyo kherekhe; ndiye wokuthanga, dangwe kubva kuvadopfa, kuti muzvinhu zvese iye ave mukuru. 19 Nokuti Mwari adofara nazvo kuti kuzara kwache kwese kugare maari, 20 uye kuti naye ayananise zvinhu zvese kwaari, zvingave zviri panyika kana zviri kudenga, achiita runyararo nogazi rache ridodeuhwa pamuchinjikwa.

21 Naimimiwo, kare manga muri varendo novapanduki mupfungwa dzenyu, nondava yomabasa yenyu yadoipa, 22 asi manje adokuyananisai mumuviri wache wonyama nokupfa kwache, kuti akuisei pamberi pache muri vatsvene musinai mhosva kana chamunganenedzehwe, 23 ndokunge marambira pakutenda, mudogadzikana nokumira mudosimba, musingabiritsiwe patariro yovhangeri ramudonzva, ridoparidzihwa zvisikwa zvese pasi podenga, iro randidoitiwa mushumiri warene inipano, Phauro.

Basa raPhauro seMuranda woKherekhe

24 Zvino ndinofara mukutambudzika kwangu nokuda kwenyu, uye mumuviri wangu ndinozazisa zvidosara pamatambudziko yaKhirisitu nokuda kwomuviri wache, ndiyo kherekhe, 25 inova yandidoitiwa mushumiri wayene maererano nobasa raMwari randidopasiwa nokuda kwenyu, kuti shoko raMwari rizikane zvidozara. 26 ndicho chidosvisvika changa chidosvisviwa kubva pakuthanga kwonguwa nokwomarudzi asi zvino chidoratidziwa kuvatsvene vache. 27 Kunovakarevo Mwari adosarudza kuzivisa kukura kwoupfumi hwokubhwinya kwochidosvisvika chakarechi pakati povasiri vaJudha, chokuti Khirisitu mukati menyu, ndiye tariro yokubhwinya. 28 Iye ndiye watinoparidza, tichichenjedza munhu wese nokudzidzisa munhu umwe noumwe nouchenjeri hwese, kuti tiise munhu umwe noumwe muna Khirisitu ari mukuru zvidozara. 29 Nokuda kwozvakarezvi ndinotambudzika, nokushingirira nosimba rese raanondisimbisa naro mukati mangu.

Veja também

Publicidade
Colossenses
Ver todos os capítulos de Colossenses
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-18_09-43-29-