Publicidade

Filipenses 4

Kuraira

1 Naizvozvo hama dzangu, vandinoda novandinosuva, mufaro wangu nokorona yangu, mirai mudosimba muna Ishe ndonzira yamunofanira kumira nayo, vadikani vangu.

2 Ndinokumbira zvikuru Yudhiya naSindike kuti vawirirane muna Ishe. 3 Naiwepawo pakare, shamwari yangu yochokwadi pabasa, ndinokumbira kuti ubatsire vanhukadzi vakareva, nokuti vadoshanda neni muvhangeri, pabodzi naKeremenzi novese vandidoshanda navo, mazita yavo yari mubhuku roupenyu.

4 Farai muna Ishe nguwa dzese, ndichaingidza pakamu, Farai.

5 Unyoro hwenyu mbahuzikane novanhu vese. Ishe wava papfupi. 6 Rekai kunetseka pamusoro pochinhu kana nochibodzi zvachene, asi pazvinhu zvese kukumbira kwenyu mbakuzivisiwe Mwari kuburikidza nomunyengetero, nokukumbira, pabodzi nokupasa kutenda. 7 Zvino rugare raMwari, rinokunda kunzvitsitsa kwese, richachengeta mwoyo yenyu nomifungo yenyu muna Khirisitu Jesu.

8 Pakupedzisira, hama dzangu, zvese zvochokwadi, nozvese zvinokudziwa, zvese zvidorurama, zvese zvidochena, chese chidonaka, zvese zvinorumbidziwa, kana panokunaka kana kurumbidziwa kupi nokupi, fungitsitsai zvinhu zvakarezvi. 9 Zvese zvamudodzidza nozvamudotambira nozvamudonzva nozvamudoona mandiri, itai zvakarezvo, ipopo Mwari worugare achava nemi.

Nhendo pamusoro poChipo

10 Ndinofara maninge muna Ishe kuti iyezvino mamutsiridza hanya yenyu neni, manga munohanya chaizvo neni, asi mudosaya mukana wokuzvinangidza. 11 Ndinorevaba zvakarezvi nokuda kwokuti ndinosaya, nokuti inipano ndidodzidza, panozvese kugutsikana nozvandinazvo. 12 Ndinoziva urombo, futi ndinozivawo kuva nozvidowanda; pachinhu chipi nochipi nopazvinhu zvese ndidodzidza chidosvisvika chokuziva kuguta nokunzva nzara, kuva nozvidowanda nokusaya. 13 Ndinoita zvese kuburikidza naiye anondipasa simba.

14 Kunyange zvidodaro mudoita zvidonaka kukovana nainini pamatambudziko yangu. 15 Uye imipa vaFiripi pachenyu munoziva kuti pandidothanga kuparidza kuMakedhoniya, hapanai kherekhe idobatirana nainini mukupa nokutambira kunze kwenyu imipa basi, 16 nokuti nopandanga ndiri muThesaronika ndichida kuyamuhwa mudonditumira kanodarika kabodzi. 17 Kusiri kuti ndiri kutsvaga chipo, asi ndinotsvaga zvinodzokubatsirai imipa. 18 Ndidotambira mubhadharo udozara, ndava nozvidowanda, ndagutsiwa, ndatambira kubva kunaEpafurodhitasi zvipo zvamudotumira, zvidoita kunge hwema hunonushira nomupiro, nochibairo chinotambihwa futi chinofadza Mwari. 19 Zvino Mwari wangu achazazisa kushaiwa kwenyu kwese kubva papfuma yache mukubhwinya muna Khirisitu Jesu. 20 Zvino kunaMwari Baba vedu mbakuve nokubhwinya nokusingaperepere. Ameni.

Kumoresa kwoKupedzisira

21 Ndimoreserei mutsvene umwe noumwe muna Khirisitu Jesu. Hama dzandinadzo dziri kukumoresai. 22 Vatsvene vese vanokumoresai kunyanya voimba yaKhesari.

23 Mutsa waIshe Jesu Khirisitu mbadzive nomweya wenyu.

Veja também

Publicidade
Filipenses
Ver todos os capítulos de Filipenses
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-16_06-50-08-