1 Pakupedzisira, hama dzangu, farai muna Ishe. Inipano nosemburiwaba nokukunyorerai zvinhu zvibodzibodzi zviye, nokuti zvinokusimbisai. 2 Chenjererai vanenge imbwa, chenjererai vanoita zvidoipa, chenjererai vaye vanocheka muviri. 3 Nokuti vadochecheudziwa pachokwadi nhisu, vanonamata noMweya waMwari nhisu vanozvirumbidza muna Khirisitu Jesu, tisingavimbe nonyama. 4 Kunyange zvazvo inipano pachangu ndinachowo chikonzero chokuvimba nonyama. Kana kuno umwe munhu anofunga kuti anacho chikonzero chokuvimba nonyama inipano ndidosokoka, 5 ndidochecheudziwa nozuva rochisere, ndiri nzvahwa yorudzi rovaIzirairi, woimba yaBhenjamini, muHebheru wovaHebheru, pamutemo ndiri muFarisi, 6 pakushingirira kwangu ndidotambudza kherekhe, pakururama pasi pomutemo handinai chandinganenedzehwe. 7 Asi zvese zvandidowana kare, ndidozviita zvinhu zvomangamanga nokuda kwaKhirisitu. 8 Pamusoro pozvakarezvo zvinhu zvese zvidova zvomangamanga kwandiri nokuda kwokunaka kudopindiridza kwokuziva Khirisitu Jesu Ishe wangu. Nokuda kwache ndidotaikihwa nozvinhu zvese, uye zvinhu zvese ndidozviita manyara, kuitira kuti ndiwane Khirisitu 9 kuti ndiwanike ndiri maari ndisinai kururama kwangu ndega, kudobva pamutemo, asi kunouya kuburikidza nokutenda muna Khirisitu, kururama kunobva kunaMwari nonzira yokutenda, 10 kuti ndimuzive iye nosimba rokumuka kwache, nokusangana naye pakutambudzika kwache, ndifanane naye mukupfa kwache, 11 kuti ndisvikewo pakumuka kubva kuvadopfa.
12 Aikona kuti ndidochiwana kare kana kuti ndatosvika kare, asi ndinoshingirira kuti ndichibate icho Khirisitu Jesu chaadondibatira. 13 Hama dzangu, inipano handisi kuti ndatochibata, asi chinhu chibodzi chandinoita nyhichi, ndinokangamwa zviri kumasure ndichinanairira zviri kumberi, 14 saka ndinomhanya ndidonanga padotariwa kuitira kuti ndipasiwe mubairo wokumusoro wandidodaidzihwa naMwari muna Khirisitu Jesu.
15 Nokudaro isisu tese takura mbativei nomurangariro udodaro, kana imipa munoumwe murangariro udosiyana, Mwari achakuisirai pachenu zvakarezvo. 16 Asi mbatibatitsitsei pachokwadi izvo zvatawana.
17 Hama dzangu, nditeedzerei. Cherechedzai avo vanorarama nomuenzaniso wamudowana kuna isisu. 18 Nokuti mbazinji, vandidokunyepai kadowanda uye nanasi ndinokunyepai ndichirira, vanorarama vari vavengi vomuchinjikwa waKirisitu. 19 Magumo yavo kuparadziwa, mwari wavo mimba yavo, vanozvitutumadza pamusoro pozvinonyadzisa zvavo, vanofunga zvinhu zvomunyika. 20 Asi isisu unzvahwa hwedu huri kudenga, uye kubva kwariri tidomirira Muponisi, Ishe Jesu Khirisitu, 21 uyo achasandura miviri yedu idovhuwa kuti ifanane nomuviri wache unobhwinya, nosimba iro raanokona naro iye kuzviisira zvinhu zvese pasi pache.