1 Phauro naTimoti, varanda vaKhirisitu Jesu, kuvatsvene vese vomuna Khirisitu Jesu
vari kuFiripi, pabodzi noVatariri noVabatsiri.
2 Mutsa norugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Khirisitu mbazvive kwamuri.
3 Ndinotenda Mwari wangu pese pandinokufungai, 4 paminamato yangu yese yandinokunamatirai mese ndinonamata nguwa dzese nomufaro, 5 nokuda kwokubatirana kwenyu nesu muVhangeri kubva pazuva rokuthanga kusvikira ipopano. 6 Futi ndinochokwadi chokuti iye adothanga basa ridonaka mamuri acharipedzisa pazuva raKhirisitu Jesu. 7 Zvidokohoroka kwandiri kuti ndinzve zvidodai nokuda kwenyu mese, ndava ndinemi mumwoyo mangu, nokuti mese muri vakoverani vomutsa nainini, pese pandanga ndiri muusungwa ndichidzivirira nokusimbisa vhangeri. 8 Nokuti Mwari ndiye pfakazi yangu, kuti mese ndinokusuvai maninge norudo raKhirisitu Jesu.
9 Futi ndiwo munamato wangu kuti rudo renyu rirambe richiwanditsa, pabodzi nokuziva nokunzvitsitsa, 10 kuti mukwanise kuziva kusarudza zvidonakitsa mudochena, musinai chamunganenedzehwe kusvika pazuva raKhirisitu, 11 mudozaziwa nomichero yokururama inouya kuburikidza naJesu Khirisitu, kuti zvipase mbiri nokurumbidziwa kwaMwari.
12 Hama, ndinoda kuti muzive kuti, zvidoitika kwandiri zvidotobatsira kuendesa vhangeri pamberi. 13 Zvokutoti zvidodzozikana mumuzinda wese wovarindi nokunovese kuti kusungiwa kwangu kudoitiwa nokuda kwaKhirisitu, 14 nondava yokusungiwa kwangu hama dzizinji muna Ishe dzidoita zvivindi zvokunyaira shoko raMwari noushingi dzisingache.
15 Vamwe vanotoparidza Khirisitu nochanje uye nomungu, asi vamwe nochido kwacho. 16 Avo vanozviita murudo, vanoziva kuti ndidoisiwa pano nondava yokudziirira vhangeri, 17 vomungu vanoparidza Khirisitu zvichibva pakuzvisarudzira, aikona pamwoyo udonaka vachifunga kuti vachanyanya kukonzera matambudziko pakusungiwa kwangu.
18 Hazvinai basa, inini ndinofara kuti Khirisitu anondoparidziwa nonzira dzidosiyana siyana zvingave zvomwoyo muchena kana zvochanje ndicharamba ndichifara, 19 nokuti ndinoziva kuti kuburikidza nominamato yenyu uye nokubatsira kunobva kuMweya waJesu Khirisitu ndichaponesewa. 20 Ndinokugurupira kudonyanya notariro kuti ndinonyadzisiwaba nochinhu chipi zvachene asi mukunyaira kwangu ndichava noushingi hudozara, kuti zvino sepanguwa dzese Khirisitu achakudziwa mumuviri mangu zvisinei kuti ndinorarama kana kuti ndinopfa. 21 Nokuti kwandiri inipano kurarama ndiKhirisitu, uye kupfa kupfuma. 22 Manje kana kuri kurarama mumuviri, zvichandipasa zvibereko zvokushanda kwangu, ndichazivaba popa chandichasarura. 23 Zvino ndinomanikidziwa pakati pozvinhu zviiri. Ndinoditsitsa kusiya upenyu huno kuti ndive naKhirisitu, chinova chinhu chidonakitsa, 24 asi nokuda kwenyu imipa zvidokosha chaizvo kuti ndirambe ndiri mumuviri uno, 25 Zvino ndinochokwadi, uye ndinoziva kuti ndichagara naimipa mese kuti mupfuurire pamberi muchifara pakutenda, 26 kuitira kuti kuva kwangu nemi munova nochikonzero chidoingidzika chokuzvirumbidza kwenyu muna Khirisitu Jesu, nokuda kwangu.
27 Asi raramai basi zvinoenderana novhangeri raKhirisitu, kuti kunyange ndikauya kudzokuonai kana kuti ndisipo, ndinzve pamusoro penyu kuti mudomira nosimba mumweya mubodzi, uye nomupfungwa ibodzi muchihwira kutenda kwovhangeri, 28 musingavhundutsiwe kana nochinhu chibodzi chovanohwisana nemi, zvakarezvi ndizvo zvichava chiratidzo chokuparadziwa kwavari, asi kwamuri chokuponesewa kunobva kunaMwari. 29 Nokuti mudotendehwa nokuda kwaKhirisitu kuti imipa mureke kundotenda basi kwaari asi kuti mutambudzikewo nokuda kwache, 30 hwisanaiwo nokuhwa kwakareku kwamudoona kwandiri kwamunonzva kuti ndichiri kuhwa nanasi.