Publicidade

Efésios 6

Vana noVabereki

1 Vana, tetekerai vabereki venyu muna Ishe, nokuti zvakarezvi ndizvo zvidokohoroka. 2 "Remekedza baba vako namaako" (wakareyu ndiwo murairo wokuthanga uno chivimbiso), 3 "kuti zvikuitire bhwino futi kuti urarame nguwa irefu panyika."

4 Anababa, rekai kusora muchikaripisa vana venyu, asi varerei mukurovedzera nomukuraira kwaIshe.

Varanda nanaTenzi

5 Varanda, tetekerai anatenzi venyu vopanyika, muvache nokutetemera, nomwoyo udorurama, fanike kuna Khirisitu. 6 Aikona kundozviita pamunoonewa, fanike vafadzi vovanhu, asi fanike muri kushandira Khirisitu, muchiita kuda kwaMwari zvichibva pamwoyo. 7 Muchiita basa nochido fanike kuna Ishe aikona kuvanhu, 8 muchiziva kuti chese chidonaka chinoitiwa nomunhu, achatambira zvibodzibodzizvo kubva kuna Ishe, kana ari muranda kana adosununguka.

9 Anatenzi, itai zvibodzibodzizvo kuvaranda venyu, morega kuvachisa, muchiziva kuti Tenzi wavo nowenyu mese ari kudenga, futi kuti hapanai rusaruro kwaari.

Zvombo Zvese Zvokuhwa zvaMwari

10 Pakupedzisira, ivai mudosimba muna Ishe pakare mova mumasimba yache makuru. 11 Simirai zvombo zvese zvaMwari, kuti mukone kumira muchihwisana nomazano yajabhurosi. 12 Ndava tiri kuhwisanaba nonyama nogazi, novatongi, novakuruvakuru, novanomasimba yonyika yorima razvino, nohondo dzomweya idoipa dziri munzvimbo dzomudenga. 13 Saka torai zvombo zvese zvaMwari, kuti mugone kudzivisa pazuva ridoipa, futi kuti kana mapedza zvese, mumire.

14 Saka mirai, mudosunga zviuno zvenyu nobhande rochokwadi, mudoisa pachipfuwa chivharidziro chokururama, 15 futi mudosimira shangu mutsoka dzenyu mugadziriro yovhangeri rorunyararo, 16 pamusoro pozvakarezvi zvese, torai chivharidziro chokutenda, chokudzimwisa miseve inopfuta yoadoipa. 17 Futi torai ngundu youtare yoruponiso, nobakatwa roMweya, ndiro shoko raMwari. 18 Namatai nguwa dzese muMweya, nominamato yese nokukumbira. Pakupedzisira garai mudopepuka nokushingirira kwese, muchinamatira vatsvene vese, 19 naininiwo mundinamatire, kuti pandinoshama muromo ndinyaire ndidoshinga pakuparidza zvidohwanda zvovhangeri, 20 ndava ndiri mumiririri warene ari mumangetani. Ndinamatirei kuti ndiriise pachenu ndidoshinga, sezvandinofanira kutaura.

Kumoresa Kwokupedzisira

21 Zvino kuti muzivewo kuti zvidoita tini kwandiri nozvandiri kuita, muchanyepewa zvese naTaichikasi hama inodiwa futi mushumiri adotendeka muna Ishe. 22 Ndamutumira kwamuri pamusaka pozvakarezvi, kuti muzive kuti zvidoita sei kwatiri, futi kuti akurudzire mwoyo yenyu.

23 Hama rugare, norudo, nokutenda zvinobva kuna Mwari Baba naIshe Jesu Khirisitu mbazvive nemi. 24 Mutsa mbauve novese vanoda Ishe wedu Jesu Khirisitu norudo rusingapere.

Veja também

Publicidade
Efésios
Ver todos os capítulos de Efésios
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-15_21-32-39-