1 Nochikonzero chakarechi inini, Phauro, musungwa waKirisitu Jesu nopamusaka povoyamwe marudzi, 2 ndichigurupira kuti mudonzva kuva kwangu muchengeti wonyasha dzaMwari kwandidoitiwa zvichiitihwa imimi, 3 kuzivisiwa kwandidoita kuburikidza nokuzarurihwa zvidosvisviwa, sezvandidonyora muchikamu chidiki. 4 Mukaverenga zvakarezvi muchagona kunzvitsitsa maonero yangu zvidohwanda zvaKhirisitu, 5 zvanga zvisinai kuzivisiwa kuvanakomana vovanhu vonguwa yokare fanike kuzarurihwa kudoitiwa noMweya kunhumwa dzitsvene novaporofiti vache, 6 ndomaitikiro yazvidoita, kuti voyamwe marudzi vavewo vaji vonhaka, nonhengo dzomuviri mubodziyo, kuburikidza noNyaya Idonaka.
7 ndidoitiwa mushumiri woNyaya Idonaka yakarei zvichienderana nochipo chomutsa waMwari chandidopasiwa nokushanda kwomasimba yache. 8 Ndidopasiwa mutsa wakareyu, apa ndiri mudikidiki pavatsvene vese, kuti ndiparidze kuyamwe marudzi upfumi hwaKhirisitu husingapimike, 9 nokuisa pachenu kuvanhu vese urongwa hwozvidosvisvika zvidohwandisiwa kwomakore mazinji muna Mwari adosika zvinhu zvese; 10 kuti kuburikidza nokherekhe uchenjeri hudosiyana siyana hwaMwari huzikane kuvatongi nokumasimba yari kunzvimbo dzokudenga. 11 Zvakarezvi zvinoenderana nochinangwa chokusingapere chaadozazisa muna Khirisitu Jesu Ishe wedu, 12 maari ndimo matinokushinga nochivimbo chokupinda kuburikidza nokutenda kwedu maari. 13 Saka ndinokukumbirai kuti mureke kupera mwoyo nopamusaka pokutambudzika kwangu nokuda kwenyu, kunova kubhwinya kwenyu.
14 Nochikonzero ichochi ndinopfugama pamberi paBaba, 15 kubva kwaari mhuri dzese kudenga nopanyika dzinotenzewa mazita yadzene, 16 kuti akusimbisei mumunhu womukati muchiva nosimba kuburikidza noMweya wache zvichienderana nokupfuma kuri mukubhwinya kwache, 17 futi kuti Khirisitu agare mumwoyo menyu kuburikidza nokutenda, kuti imipa, muite midzi nokujirichira murudo, 18 kuti pabodzi novatsvene muve nosimba rokunzvitsitsa kuphanyuka, nokutambarara, nokukwirira, nokunoka kworudo raKhirisitu, 19 nokuziva rudo rinokunda ruzivo, futi kuti muzaziwe nokuzara kwese kwaMwari.
20 Zvino kuna iye anogona kuita nosimba rinoshanda matiri zvidokungudza zvidopindiridza kukunda zvese zvatinokumbira kana zvatinofunga, 21 kwaari mbakuve nokubhwinya mukherekhe nomuna Khirisitu Jesu munguwa dzese, nokusingaperepere. Ameni.