Publicidade

Efésios 1

1 Phauro, Nhumwa yaKhirisitu Jesu kuburikidza nokuda kwaMwari,

kuvatsvene novadotendeka muna Khirisitu Jesu:

2 Mutsa norunyararo zvinobva kuna Mwari Baba vedu nokuna Ishe Jesu Khirisitu mbazvive kwamuri.

Munamato waPhauro kuvaVerengi Vache

3 Mbaaropafadziwe Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Khirisitu, adotiropafadza muna Khirisitu nokuropafadziwa kwese mumweya kunzvimbo dzokudzuru. 4 Sezvaadotisarura kuti tive maari nyika isinati yavapo.

Kuti tive vatsvene murudo tisinai chatinopomehwa pamberi pache. 5 Adoita kuti tive vana vache kare kuburikidza naJesu Khirisitu, zvichienderana nomaonero yache yadonaka, 6 kuti zvipase kurumbidziwa kwokubhwinya kwomutsa wache, waadotipasa pasinai muripo muna iyeyo Anodiwa. 7 Maari tinokudzikinuhwa kuburikidza nogazi rache, nokurekerehwa kwokuphonya kwedu zvichienderana nokupfuma kwomutsa wache, 8 waadoita kuti tiphunge nawo,

Nokuziva kwese nokunzvitsitsa, 9 adotizivisa chidohwanda chokuda kwache zvichienderana nokuda kwache kudonaka, kwaadofunga muna Khirisitu. 10 Kuti chinangwacho chiitike kana nguwa yazazisiwa, kuti abatanidze zvinhu zvese muna Khirisitu, zvinhu zviri kudenga nozviri panyika.

11 Maari, tidosaruhwa kare zvichienderana nochinangwa chourongwa hwache iye anoshanda zvinhu zvese kuti zvienderane nokuda kwache, 12 kuti isisu tidothanga kuva notariro muna Khirisitu, tive vadomirira kurumbidziwa kwokubhwinya kwache.

13 Maari naimimiwo, vadonzva shoko rochokwadi, Nhau Dzidonaka dzokuponesewa kwenyu, mudobva matenda kwaari, ndokubva maisiwa chisimbiso chochivimbiso choMweya Mutsvene. 14 anova chibatiso chonhaka yedu kusvikira pakudzikinuhwa kwoavo vanova vache Mwari, kuitira kuti kubhwinya kwache kurumbidziwe.

Munamato WaPhauro

15 Nondava yakarei, nokuti ndidonzva zvokutenda kwenyu muna Ishe Jesu norudo renyu kuvatsvene vese, 16 ndinorekaba kutenda nondava yenyu, pandinokuyeukai muminamato yangu 17 kuti Mwari waIshe wedu Jesu Khirisitu, Baba wokubhwinya, akupasei mweya wouchenjeri nowokuzurukihwa mukumuziva iye. 18 Muve nomeso yomwoyo yadopengenuka, kuti muzive zvidoita tariro yamudodaidzihwa, nozvidoita upfumi kwonhaka inobhwinya yokugara kwache muvatsvene, 19 futi kuti mukuriro hwai wosimba rache risingayereki riri muna isisu tinotenda, zvichienderana nokushanda kwache kudokura zvidokungudza 20 kwaadozazisa muna Khirisitu paadomumutsa kuvadopfa nokumugarisa kujanja rache roruji kunzvimbo dzokudenga, 21 kumusoro kurefurefu kwoutongi hwese novabati novanosimba nochikuriri, nopamusoro pomazita yese yanodaidziwa, zvisiri zvopanguwa ino chete asi panoichauyawo, 22 futi Mwari adoisa zvinhu zvese pasi potsoka dzache ndokumuita musoro pazvinhu zvese kukherekhe, 23 ndiwo muviri wache, mukuzara kwache iye anozadza zvese, kwese.

Veja também

Publicidade
Efésios
Ver todos os capítulos de Efésios
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-15_21-32-39-