1 Hama, kana munhu akabatiwa achitadza, imipa vanorarama mumweya mudzoreredzei mudopfava. Asi chenjerai, kuti naimipawo mureke kuedzewa. 2 Takuriranai mitoro, ndiyo nzira yamunozazisa nayo mutemo waKhirisitu. 3 Ndava kana munhu achifunga kuti iye chinhu, ipo pasinai zvaari, anozvinyengedza. 4 Asi umwe noumwe mbaatarisitse zviito zvache. Kana zvidonaka wava nochokudada nacho iye pachake, pasinai waanozvienzanisa naye. 5 Ndava munhu wese anofanira kuzvitakurira mutoro wache.
6 Anodzidzisiwa shoko raMwari mbaakoverane zvinhu zvese zvidonaka nouyo anomudzidzisa.
7 Rekai kunyengedzewa, Mwari haasekewe, ndava chese chinojariwa nomunhu ndicho chaanokohwa. 8 Kana ukajara zvinofadza zvido zvounhu hwokare, anokohwa kuora kunobva paunhu hwokare, ukajara zvinofadza Mweya, anokohwa upenyu husingapere hunobva paMweya. 9 Mbatirekei kuneta pakuita zvidonaka, ndava nguwa yazvene ikakwana tichakohwa peno, kana tisingaore mwoyo. 10 Saka, pese patinowana mukana, mbatiitei zvidonaka kuvanhu vese, kunyanyitsa kumhuri yovanotenda.
11 Onai mukuriro womabhii yandiri kukunyorerai nojanja rangu chairo. 12 Vanhu vaye vokuda dzvene kuvanhu ndivo vanokusukumidzirai kuti muchecheudziwe. Izvozvo vanondozviitira kuti vanzvenge kutambudzihwa muchinjikwa waKhirisitu. 13 Ndava kana naivo vanoita zvokuchecheudziwa vacho vanochengetaba mutemo, asi vanoda kuti imipa mukachecheudziwa vazvirumbidze pamusoro pomuviri wenyu. 14 Asi inini ndinondozvirumbidza nokuda kwomuchinjikwa waIshe Jesu Khirisitu basi, kuburikidza naiwo nyika idoroverehwa kwandiri, nainini ndidoroverehwa kunyika. 15 Ndava kuchecheudziwa kana kusachecheudziwa hapanai zvakunoreva, asi kuva chisikwa chitsva. 16 Runyararo notsitsi mbazvive pamusoro wese anofamba nomurau wakareyu, munhu adodaroyo ndiye, muIzirairi waMwari.
17 Kubva zvino mbapareke kuva nomunhu anondiisa mumatambudziko, ndava zvidzvanga zvaJesu zviri pamuiri wangu.
18 Hama, mutsa waIshe wedu Jesu Khirisitu mbazvive nomweya wenyu. Ameni.